Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Asunga Vanhu Chiuru neMakumi Maviri neVatatu Nyika Yose muChirongwa cheKurwisana neZvinodhaka


Mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi.
Mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Muhondo yavo yekuedza kupedza dambudziko rezvinodhaka iro rinonzi rabata nyika yose, mapurisa anoti asunga vanhu vanosvika chiuru nemakumi maviri nevatatu, 1023, vanotengesa pamwe nekushandisa zvinodhaka kubva zvaparurwa chirongwa ichi.

Svondo rapera mapurisa akaparura chirongwa chaari kuti “No to Dangerous Drugs and Illicit Substances,” icho chiri kunangana nevanotengesa pamwe nevanoshandisa zvinodhaka nyika yose.

Mapurisa muHarare anonzi ave kupindawo mudzimba achisecha pamwe nekusunga vari kutengesa kana kushandiswa zvinodhaka izvi, kusanganisira vemashabhini, uye anonzi ari kusanganawo nezvinodhaka zvakasiyanasiyana zvinosanganisira mbanje inenge yakarimwa mumapindu emudzimba.

Izvi zviri kuuyavo panguva iyo mapurisa mudunhu reMidlands ari kunzi akasungawo vana vechikoro vatatu vaishandisa zvinodhaka.

Mapurisa awana zvinodhaka kuBulawayo.
Mapurisa awana zvinodhaka kuBulawayo.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vachazozivisa kuti matunhu api avari kuona akanyanya kubatwa nedambudziko iri, uye kuti rudzi rwupi rwezvinodhaka rwavari kunyanya kuwana kana chete vachinge vapedza chirongwa chavo ichi.

Asi mumwe wevanoshandisa zvinodhaka vachishanda nesangano revanoshandisa zvinodhaka, reZimbabwe People Who Use Drugs, Muzvare Tania Marumbwa, vanoti kunyange hazvo chirongwa chemapurisa ichi chakanaka chose, vari kupokana nekusungwa kwavanoti kuri kuzoitwa vanoshandisa zvinodhaka.

Muzvare Marumbwa vanoti vanoshandisa zvinodhaka havasi ivo dambudziko muhondo iyi, asi kuti vanhu vari kupinza zvinodhaka izvi munyika vachishandisa miganhu yakasiyanasiyana.

Vanoti vanoshandisa zvinodhaka vanhu vanotoda rubatsiro rwekurapwa, kwete kusungwa sevapari vemhosva.

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naMuzvare Tania Marumbwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG