Mukuru wesangano rinorwira hutano hwakanaka hwemunharaunda, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vanotambira chose chirongwa chakaparurwa neChishanu nehurumende chekutsvaga pamwe nekusunga vanotengesa zvinodhaka.
Chirongwa ichi chichange chichiona vanofamba nedzimotokari pamwe nevanhuwo zvavo vachimiswa nemapurisa vachisechwa.
Asi VaRusike vanoti danho iri rinogona kunge rakanga ratononona kuitwa sezvo dambudziko rezvinodhaka radzika midzi munyika.
Hurumende ichishanda pamwe nemapurisa nemamwe masangano muHarare, yakaparura chirongwa chekuramba kushandiswa kwezvinodhaka, che “NO TO DRUGS AND ILLICIT SUBSTANCES”, icho chakanangana nekuvhara mwena uri kutenderedza zvinodhaka zvinonzi zvabata mazera ose evanhu munyika.
Mapurisa anoti vanhu gumi vakasungwa muHarare chete mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi.
VaRusike vanoti chinofanirwa kuitwa nehurumende pamwe nemapurisa kutsvaga chikonzero chapa kutema kwemusoro, vachiti panofanirwa kuonekwa kuti zvinodhaka izvi zviri kumbopinda sei munyika.
Vanoti dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka rabata mazera ose, kubva kuvana vadiki kusvika kuvakuru, uye veruzhinji mumisha yavanogara vanotoziva vanhu vari kutengesa zvinodhaka asi kuti vanotya chete kuvanongedza.
Facebook Forum