WASHINGTON —
Pope Francis vari kuenderera mberi nekushanya kwavo kunyika yeDemocratic Republic of Congo uko nemusi weChina vakatora mukana wekutaura nevechidiki vemunyika iyi vachivakurudzira kuti vasaita zvehuwori nerusarura rwemarudzi.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Pastor Rebecca Makayi, vekereke yePraise Covenant International Church, vanoti kushanya kwaPope Francis kuAfrica zvikuru kunyika yeD-R-C, kunorumbidzwa zvikuru sezvo nyika iyi yakatarisana nehondo yemarudzi yave nenguva ndefu uye kushungurudzwa nekutyorwa kwekodzero dzemadzimai panguva yehondo iyi.
Facebook Forum