Apo Zimbabwe yatarisana nesarudzo dzichaitwa gore rino, vechidiki vari mune zvematongerwo enyika vari kukurudzirwa kuremekedza runyararo senzira yekupedza mhirizhonga yatekeshera munyika.
Vechidiki vemapato ezvematongegwo enyika vari kukurudzirwa kusiyana nenyaya dzemhirizhonga panguva iyo vemapato ezvematongerwo enyika vatanga kupinda muvanhu vachitsvaga rutsigiro.
Kurudziro iyi inouya zvichitevera mhirizhonga dziri kuitika kumaruwa, zvikuru sei kumatunhu akaita seMurehwa kuMashonaland East pamwe nekumudzimwe nzvimbo.
Mukuru wesangano rinobatsira vechidiki, re4 H Zimbabwe Foundation, Va John Muchenje, vanoti sangano ravo rinogara rakakurudzira runyararo munyika. VaMuchenje vanoti hurumende inofanira kuwanisa vechidiki mikana yekuita mabasa anovandudza hupenyu hwavo.
Vanoti, “Hurumende inofanira kupa mikana kune vechidiki munzvimbo dzese dzine chekuita nezvehupfumi hwenyika, kungava mukurima kana mukuchera zviwanikwa. Bazi rezveutano rakabatana nerevechidiki, pamwechete nemapurisa eZimbabwe Republic Police vanofanira kusunga dzisimbe panyaya yekupedza zvinodhaka mune vechidiki, zvinova zviri kukonzerawo mhirizhonga.”
Vaenderera mberi vachiti, “Kozotiwo vatugamiri vemapato ezvematongegwo enyika vanofanira kuramba vachiparidza runyararo. Zvikadaro tichava nesarudzo dzisina mhirizhonga. Kunyange hazvo sangano iri richikurudzira runyararo munyika, mhirizhonga inogara yakaitika nguva dzose munyika, vemapato ezvematongerwo enyika vachikandirana nyoka mhenyu.”
Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa mubazi revechidiki mubato re Citizens Coalition for Change, VaWomberaishe Nhende, vanoti vechidiki vanoita zvemhirizhonga ndevaye vanoswera vakagarira maoko. VaNhende vati, “Vechidiki vanopinda munhau dzemhirizhonga nekuda kwekuti havana zvekuita sezvo kusina mabasa.”
Vatiwo, “Vakuru vemapato, kunyanya ve Zanu PF vanotaura mashoko akafanana neekuti "tichavasvasvanga", "kombai tirove", anova anopesvedzera mhirizhonga. Ndizvo takaona vechidiki vebato iri vachirakasha chembere kwaMurewa dzaiva dzakaungana pamusangano we CCC. Vatungamiri vavo ndivo vanovasundira kumhirizhonga senzira yekuti vasabvunze nyaya dzakakosha dzinosanganisira kushaika kwemabasa, kuipa kwemigwagwa uye kusavapo kwezvekudya.”
Vakafanobata chigaro chezvekufambiswa kwemabasa kubato reLabour Economists and African Democrats, VaAdmire Alikoko, vanoti vechidiki, zvikuru vari mumapato makuru, ndivo vanoshandiswa nevakuru vavo kuita mhirizhonga senzira yekumanikidza vanhu kuti vavhotere mapato aya.
Vati,“Vechidiki vanotengeserwa kana kupiwa zvinodhaka nevakuru vemapato makuru anozovikamwa.” Vatiwo, “Mapato aya haana pfungwa nokuti mhirizhonga haiunzi budiriro munyika. Mhirizhonga inokonzereswa nekuda kutyisa vanhu kuti mapato aya awane masimba.”
VaAlikoko vanoti vakuru vemapato ezvematongerwo enyika ndivo vanofanirwa kunge vari pamberi vachiparidza vhangeri rerunyararo kuitira kuti mhirizhonga yezvematongerwo enyika ipere.
Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa, kuti vari kutora matanho api mukupedza mhirizhonga inonzi inoitwa nevechidiki mubato ravo.
Asi vaimbove sachigaro wevechidiki muZanu PF mudunhu reHarare, VaGodfrey Gomwe, vanoti vemapato anopikisa ndivo vanokonzeresa mhirizhonga. VaGomwe vati, “Vemapato anopikisa dai vasiyana nenyaya yemhirizhonga. Vamwe vacho vanotozviitisa kuti vasungwe nemapurisa, vobva vatsvaga magweta anomirira kodzero dzevanhu, zvinozopedzisira zvaita kuti vapiwe mari nemasangano anozviti anomirira kodzero dzevanhu. Vamwe vanotoda kusungwa nokuti inzira yavo yekutotsvagisa mari.
Asi vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri weCitizens Coalition of Change, VaOstallos Gift Siziba, vanoti bato ravo hariiti zvemhirizhonga. Vaudza Studio 7 kuti, “Munoziva kuti Zanu PF ibato rinoshandisa mhirizhonga. Vamwe vese vanopokana navo vanenge vaita mhosva.”
Vaenderera mberi vachiti, “Izvozvi vatungamiri vazhinji ve CCC vanzwa nekupinda nekubuda mumatare, mhosva yavo iri yekuita muono wakasiyana. Tiri kukurudzira vanhu kuti vabude nehuzhinji hwavo kunonyoresa kuvhota, nokuti vanhu vakasavhota panopinda mabhinya pazvigaro.”
Pamhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaipisisa yakaitika muna 2008, zviuru nezviuru zvenhengo dzebato reMovement for Democratic Change zvakakuvadzwa kana kuparadzirwa misha mumhirizhonga yakaitika.
Mhirizhonga iyi yakamanikidza vaive mutungamiri weMDC panguva iyi, muchakabvu Morgan Tsvangirai, kubuda musarudzo yemutungamiri wenyika, vachiti havapindi musarudzo ine ropa.
Facebook Forum