Accessibility links

Breaking News

SRC Inoisa Chikumbiro kuHurumende Kuti iBatsire neMari Zvikwata zveNhabvu zveNyika zvemaWarriors nemaMighty Warriors


Sachigaro veSports and Recreation Commission, VaGerald Mhlotswa.

Vanotungamira mitambo, VeSports and Recreation Commission, vanoti vaisa chikumbiro kuhurumende kuburikidza nebazi rezvemari, kuti ipe mari kuzvikwata zvenhabvu zvenyika zvemaWarriors nemaMighty Warriors kana Zimbabwe yave kutenderwa neFIFA kutamba nevekune dzimwe nyika.

Sachigaro veSports and Recreation Commission, VaGerald Mhlotswa, vanoti vane chivimbo kuti chichemo chavo chichanzwikwa zvichitevera ruyamuro rwavakawana apo maWarriors akaenda kuAfcon gore rapera.

VaMhlotswa vanoti vari kuda kuti Zimbabwe itevedzerewo zvinoitwa neve kune dzimwe nyika uko hurumende dzinopa mari kuzvikwata zvenyika apo zvinotamba neve kune dzimwe nyika.

VaMhlotswa, avo vanove mukuwasha wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mbangangwa, vanoti vari kutarisira kuti panosvika musi wa 31 Kurume gore rino mapazi ese eZIFA anenge aita sarudzo votanga hurukuro neFIFA kuti Zimbabwe idzorwe munhabvu yepasi rese.

Zimbabwe yakadzingwa munhabvu yepasi rese zvichitevera kupindira kwehurumende munyaya dzehutungamiri hwenhabvu.

Izvi zvakauya mushure mekunge SRC, inove bazi rehurumende, yakadzinga basa bhodhi reZIFA raitungamirwa naVaFelton Kamambo.

Nhengo yeWarriors Friends Club, VaPhillip Regede, vanoti danho ratorwa neSRC iri rinofadza asi inofanira kutanga yagadzirisa zvakadzingisa Zimbabwe munhabvu yepasi rese.

Ukuo, mutsigiri weDynamos, VaKennedy Tatenda Ghovha, vanoti danho ratorwa neSRC iri rinofadza.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

MaWarriors akapedzisira kutamba nedzimwe nyika kuAfcon 2022 uko vakapedza vari pasi pasi mugungano raisanganisira Senegal, Guinea neMalawi.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG