Accessibility links

Breaking News

VaElon Musk Vanoti Vari Kuda Kuunza Masaisai eInternet kuAfrica Asi Zimbabwe Haisati Yazvipira


Poita maonero akasiyana pakuti hurongwa hwekuuya munyika kwemasaisai eStarlink internet achabva kukambani yeshoroma yakaberekerwa kuSouth Africa ichigara muAmerica, VaElon Musk yeSpaceX kuchabatsira here kana kuti kwete.

Vachipindura mubvunzo wavainge vabvunzwa padandemutande ravakatenga gore rapera reTwiiter kuti Starlink yavo ichauya here kuAfrica, VaMusk vakati hongu vachitiwo vakagadzirira kushanda munyika dzose dzavanenge vapihwa mvumo. Asi hapana kujeka kuti kambani iyi ichapihwa rezinesi here kana kuti kwete muZimbabwe.

Munyori mukuru mubazi rezvehumhizha nehumhetura mukufambiswa kwemashoko kana kuti ICT Doctor Beaullah Chirume vanoti kambani iyi haisati yave nerezinesi rekushanda muZimbabwe uye haisati yatotumira kana mapepa acho ekuti inoda rezinesi. Asi kambanai iyi inoti padandemutande rayo masaisai ayo muZimbabwe semune dzimwe nyika dzemuAfrica achange aveko gore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko dzinoti zvinonetsa kuti kuhurumende dzakaita seZimbabwe dzinombodzima masaisai einternet kana vanhu vachiratidzira dzitendere kushandiswa kwemasaisai eStarlink. Asi humhizha hwepamusoro soro hwekambani iyu unoita kuti ishande hayo chero kwayada.

Semuenzaniso, kambani iyi iri kushanda muIran pasina kutenderena nehuruemende yenyika iyi iyo iri kudzima internet kuti vanhu vasaratidzire.

Mukuru weMISA Zimbabwe, sangano rinorwira kodzero dzekufambiswa kwemashoko kusanganisira kushandiswa kweinternet, pasina kumbunyikidzwa VaTabani Moyo vanoti kudzima mainternet kutyora kodzero dzevanhu.

Kunze kwekuisa masaisati kuIran, Starlink yakaitawo zvimwe chetezvo kuUkraine mushure mekunge Russia yabhomba magwenya einternet.

Hapana hapo kuwirirana kuti Starlink inokwanisa kuderedza mutengo here kana kuti kwete. Muongoroi akazvimirira munyaya dzehumhizha hwekufambiswa kwemashoko. VaFarai Mudzingwa vanoti zvinonetsa parizvino kuziva kuti mutengo unenge wakamira sei.

Asi VaLimbikani Makani avo vane bepanhau repadandemutande vanoti kuvepo kwemakambani akawanda kunogona kuderedza mutengo.

Mashoko aya atsinhirwa naVaMoyo. Nhepfenyuro yeReuters inoti Starlink inoda kuwanisa vanhu masaisai einternet nemutengo wakaderera uye ichisvika kumaruwa. Masatellites eStarlink epasi pasi anoita madhora mazana matanhatu kana kuti 600 US Dollars pasina mari yekutakura kana kuti shipping.

Asi VaMusk vanoti chinangwa chavo ndechekuti vaderedze mutengo kusvika pamadhora zana nemakumi masere nemanomwe kana kuti 187 US Dollars. Pachitariswa makambani einternet muZimbabwe anoti Utande, Liquid Home, TelOne neZodstat, Starlink ndiyo ine mutengo uri pasi zvakanyanya parizvino.

Makambani emunyika aya ari kuunza masaisai einternet achishandisa satellite uye munhu unofanirwa kuti uve nezvikwanisiro zvinosangansira dhishi rakafanana nerekubata mifananidzo yeTV kuti ukwanise kuwana masaisai aya.

Panyaya yeStarlink yekuti ichabatsira zvakanyanya vekumaruwa, VaMudzingwa vati havaone sekuti kuveko kwekambani iyi kuchabatsira sezvo paine zvimhingamupinyi zvakanyanya.

Taedza kunzwa kubva kumukuru wePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe VaGift Machengete kuti hurongwa hwekuuya kweStarlink muZimbabwe hwasvika papi asi vange vasati vapindura mibvunzo yavange vavimbisa kupindura.

MuAfrica nyika dzakatopa kambani yeStarlink marezinesi dzinosanganisira Malawi, Nigeria neMozambique. Parizvino nyika makumi mana nemashanu dziri kushandisa masaisai einternet eStarlink. Nyika idzi dzinosanganisira America, Canada, Australia, New Zealand, Denmark, Australia, France neUnited Kingdom.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG