Accessibility links

Breaking News

Kupidigurwa kweHurumende neMauto Kusanganisira muZimbabwe Kwodzorera Africa Kumashure paHutongo Hwejekerere


Mbudzi 15, 2017.
Mbudzi 15, 2017.

Sangano reMo Ibrahim Foundation raburitsa gwaro rinoti nyika zhinji dzemuAfrica kusanganisira Zimbabwe hadzina kunyatsogadzikana uye kuve nehutongo hwejekerere pachitariswa makore gumi adarika.

Gwaro iri rinonzi Ibrahim Index of African Governance kana kuti IIAG raburitswa nhasi.

Panyika makumi mashanu neina (54) dzange dzichiongororwa, makumi matatu dziri kudzokera kumashure.

Zimbabwe iri pachidanho chechimakumi maviri nepfumbamwe panyaya yekugadzikana

Kuratidza kusamira zvakanaka kwezvinhu muAfrica, kubva muna 2012 kusvika gore rapera, mauto akapidigura kana kuyedza kupidigura hurumende kanosvika makumi maviri nematatu.

Asi Zimbabwe inonzi hayo iri kuita zviri nani munyaya dzekusimudzira hupfumi, kuchengetedza nyika.

Asi panyaya yekuremekedza kodzero dzevanhu iri kunzi yananga kumawere. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kuti tinzwe divi ravo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG