Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu 25, 2023


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzayi Mahere uye mumiriri weZengeza West vari mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala vomiswa pamberi pedare.

Sangano rinoona nezvehutongo hwejekerere nematongerwo enyika reVaMo Ibrahim Foundation rinoburitsa gwaro raro rinoongorora mamiriro ezvinhu muAfrica richiti Zimbabwe iri kudzokera mumashure munyaya dzekuchengetedza kodzero dzevanhu kunyangwe paine zvimwe zvairi kuita zvakanaka.

Botswana inoti iri kutaura nehurumende yeZimbabwe kuti ikwanise kupihwa nvumo yekupa basa vanachiremba vemunyika vane hunyanzvi hwepamusoro soro. Zimbabwe yagara hayo iina vanachiremba vakadai vashoma sezvo vamwe vari kuenda kunze kwenyika kunotsvaga mafuro manyoro.

Kambani yeimwe shoroma VaEllon Musk yeSpace X iri kutarisirwa kutanga kushanda munyika dzemuAfrica dzakawanda gore rino ichidziwanisa masaisai einternet eStarlink anonzi achabatsira zvakanyanya vanhu vari kumaruwa uye aine mutengo uri nani. Asi hurumende yeZimbabwe inoti kambani iyi haisati yaunza mapepa ekuti inoda rezinesi. Kambani iyi iri kukoka nyika dzinoda kushanda nayo kuti dziinyorere.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa nhasi vari kutarisirwa kuita hurukuro negurukota rinoona nezvehupfumi muAmerica Amai Janet Yellen vari kushanyira nyika nhatu dzemuAfrica. Amai Yellen vakatoenda kuSenegal neZambia.

Muchirongwa chexdu cheDiaspora Forum, tine hurukuro naMadzibaba Sibhineji mukuru wePSTV Entertainment inopa kuti vanhu vaite sevachatyoka mbabvu nekuseka pamandandemutande.

Muchirongwa chedu cheLive Talk Diaspora Forum nhasi, tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe nezvehurongwa hwehurumende hwekuti yakagadzirira kutambira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutarisirwa kudzoswa kumusha muna Chikumi panosvika kumagumo hurongwa hunozvibvumidza kushanda muSouth Africa kana kuti Zimbabwe Exemption Permits.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG