Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reDzidzo


Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva redzidzo kana kuti International Day of Education. United Nations yakatara kuti zuva iri richerechedzwa musi wa 24 Ndira gore roga roga.

MuZimbabwe mutungamiri wenyika VaEmmerson vanogara vachiti vakazvipira kugadzirisa zvinhu munyaya dzedzidzo uye kuti vana vaende kuchikoro pachena.

Asi mutungamiri wesangano rinomiririra vadzidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe - ARTUZ VaObert Masaraure vanoti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu muzvikoro.

Hurukuro na Va Obert MASARAURE- EDUCATION DAY
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvatsinhirwawo nemutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe Doctor Takavafira Zhou

Hurukuro na Va Tkavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori wezvemutemo mune rimwe sangano rinomiririra vadzidzi muzvikoro zvepamusoro reZINASU, VaBoris Muguti vanoti sevadzidzi vanokoshesa zuva ranhasi asi dzidzo yave mamvemve munyika..

Hurukuro na Va Boris Muguti - EDUCATION DAY
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumashoko avo kunyika dzepasi rino, munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vakurudzira kuti pave nemitemo inopa munhu wose murombo kana mupfumi mukana wekuwana dzidzo.

Vanhu vemu Afghanistan
Vanhu vemu Afghanistan

Gore rino, zuva iririnonzi rakanangana nekuratidza rutsigiro kumadzimai ekuAfghanistan ari kurambidzwa kuenda kuchikoro nehurumende yechiTaliban.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG