Accessibility links

Breaking News

Arifonzo Zvenyika Anoti Akambodya Nyika Rutivi Asi Ave Kuda Kubatsira Vadiki Kuti Vasatore Gwara Iroro


Mosquito Boxing School of Excellence - Zvenyika Arifonso

Aimbove shasha yeCommonwealth mutsiva muhuremu hweflyweight Zvenyika Arifonso anoti adzidza mekutadza kwake kwekare zvekuti ave kuda kuzvigadzirisa.

Zvenyika anoti zvaakakanganisira nyika nemhuri yake aive achiri murume wechidiki zvekuti ave kuda kuzvigadzirisa neMosquito Boxing Academy yake.

Anoti nhoroondo yake yekurasika muhupenyu yamupa shungu dzekutsvaga tarenda retsiva mune vechidiki kuti vabatsirikane muhupenyu hwavo.

Muhupenyu hwake Zvenyika akaita zvakawanda kusanganisira kutsika munhu nemotokari iye asina rezinesi.

Mazuva ake kuAustralia muna 1996, mutambi wetsiva uyu anonzi akatora zvipo zvegungano avanyepera kuti mwana wake aive ashaya kuZimbabwe iye asina.

Pamusoro pezvo akamboda kuzviuraya nemushonga wemakonzo anetsana nemudzimai wake nemhaka yekuita gumbo mumba, gumbo panze.

Arifonso anoti arikuda kurairidza vana vechidiki vachamupa chiremerera kwete vanomuyeuchidza zvekare izvo arikuda kukanganwa.

Asi anoti mune zvipo zvakanyanya muvana vanogara mumigwahwa avo vasina anochengeta vanosheedzwa kunzi maStreet Kids asi vari kushaya anosimudza. Zvenyika akatora mukombe weCommonwealth muna 1998 akaudzivirira kaviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG