Zvimwe zvikwata zvenhabvu zvine mukurumbira zvapindawo pamusika kurwira kutenga vatambi vatsva zvichirwisana nenguva yekuvharwa kwemusika wevatambi uyu.
Caps United, Chicken Inn, neFC Platinum zvabatanawo nezvimwe zvikwata kurwira kutenga vatambi vatsva pamusika zvakatarisana nezuva rekuvhara kwemusika wevatambi uyu.
FC Platinum yapinda mumba meDynamos ndokutora Jarrison Selemani pamusoro peMisheck Ngwenya, uyo yatora kuvavakidzani vayo veTriangle.
Asi mutsigiri wemutambo wenhabvu, VaMaxwell Mathonsi, vanoti zvikwata izvi zvinofanira kusiyana nekatsika kekuti gore negore vatambi vamwechetevo ndivo vari kubva kuchikwata ichi vachienda kune chimwe Chikwata.
Vanoti izvi zvauraya nhabvu nekudzinga vatsigiri kudzinhandare nekuti hapasisina zvitsva zvavari kuona.
Maonero aya auyawo panguva iyo Roderick Mutuma, uyo akatambira Dynamos muna 2014 akazoenda kuCaps United, Highlanders, neLupopo FC kuDRC,, adzoka zvekare kuDembare.
Zvasanganawo nemashoko ekuti Simba Bhora neManica Diamonds dziri kurwirana kutenga Devon Chafa weCaps United uyo akatambira zvekare Dynamos, FC Platinum, Ngezi Platinum Stars uyezve adzoka kuCaps United kechipiri.
Asi Highlanders yasiyana nenzira iyi, mutauriri wechikwata ichi Muzvare Nozie Maphosa vachiti ivo vatenga mutambi wechidiki Calvin Chigonero kubva kuTalent Vision.
Pamusoro pezvo, vanoti mwaka uno, Highlanders iri kusimudzira vatambi kubva muchikwata chavo chevechidiki vachiwedzera ivo kuti mutambi Gillian Nyathi atokwidziridzwa kare.
Asi zvimwe zvikwata zviri mumagariro azvo emazuva ese zvichibuda izvo kuti Dynamos yatorera Black Rhinos Keith Madera masvondo mashoma-shoma vachangobva kutora Eli Ilunga kuchikwata chimwechetecho.
Vavakidzani vavo veCaps United vawedzera Admiral Matope naInnocent Zambezi pana Godknows Murwira uyo vakatambidzwa neDembare pasina muripo.
Chicken Inn, iyo yave nemurairidzi mutsva Prince Matore, iri muhurukuro yekutenga Emmanuel Mandiranga kubva kuCaps United.
Vachitarisa zviri kuitika pamusika wevatambi izvi, mutsigiri weHerentals VaDixon Chibanda vanoti mwaka uno uchange wakabaka moto.
Asi nemhaka yekuoma kwezvehupfumi munyika, aimboridza pembe muPSL, VaSam Hamandawana, vanoti mutero wepagedhe unofanira kudzikiswa kusvika padhora rimwe chete rekuAmerica.
Mwaka wapera mukombe wePremiership wakatorwa neFC Platinum, iyo vamwe vanofunga kuti ichatora mukombe uyu kechishanu kakateverana gore rino.
Musika wekutenga nekutengeswa kwevatambi uri kuvharwa musi wa31 mwedzi uno uye mwaka wenhabvu uri kutarisirwawo kutanga muna Kukadzi.
Facebook Forum