Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vekuMola neSiakobvu kuMashonaland West Vonyunyuta neMabatirwo eMari dzeCAMPFIRE muMatunhu Avo


CAMPFIRE inowanisa vagari mari kubva mukutengeswa kwemhuka dzemudunhu ravo
CAMPFIRE inowanisa vagari mari kubva mukutengeswa kwemhuka dzemudunhu ravo

Vamwe vagari vekuMola neSiakobvu mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara nemabatirwo emari dzekuchengetwa pamwe nekutengeswa kwemhuka nezviwanika munzvimbo dzavo pasi pechirongwa che Communal Areas Management Programme for Indigenous Resources, CAMPFIRE.

Vagari ava vanoti nzvimbo dzavo dzichakasaririra zvikuru vachiti hakuna migwagwa yakanaka, zvikoro zvakawanda hazvina midhuri, uye makiriniki mashoma zvekuti vanhu vanofamba mitunhu yakareba kuenda kuchikoro kana kumakiriniki.

Vanoti kunyange paine makambani pamwe nevanhuwo zvavo vanopihwa mvumo yekuvhima mhuka munzvimbo dzavo vachibhadhara mari, mari yacho haisi kuzoshandiswa zviri kuonekwa sezvo isiri kuzosvika kuvanhu.

Mumwe mugari wekuwadhi 4, VaJeremiah Mots,i vanoti nzvimbo yavo yakasaririra zvikuru vachiti zvikoro zvakawanda hazvina midhuri inokwanirana nevana vemunharaunda yavo.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wekuSiakobvu, VaMartin Muyeri, avoi vanoti hakuna migwagwa yakanaka zvekuti mabhazi nemichovha zvinotakura veruzhinji hazvisvike kumusha kwavo.

VaMuyeri vanoti havasi kuona zviri kuita mari inobva kuchirongwa cheCAMPFIRE.

Patabvunza kuti sei vagari vasingaite kuti migwagwa igadzirwe sezvo vamwe vavo vari mukomiti yeCAMPFIRE kubva pawadhi zvichikwira, VaMotsi, vanoti zvinhu zviri kuzofira mukanzuru umo munozorongwa kushandiswa kwemari nemakanzura.

Asi mumwe mugari wekuKariba, VaSam Mawawo, vane maonero akasiyana neevamwe.

VaMawawo vanoti hapana mari yakawanda ichiri kuwanikwa mukuchengetwa kwemhuka sezvo vagari vaivhima nekuuraya mhuka vachiti hadzipere.

Mukuru weNyaminyami Rural Council, NRC, VaCletus Matingwina, vanoti mari dzeCAMPFIRE dzinoshandiswa zvichienderana nezvinenge zvarongwa nemakanzura ayo akasarudzwa nevagari.

Hatina kunzwa divi remakanzura sezvo sachigaro wavo VaCanaan Chirongoma vanga vasingabatike pambozhanhare yavo.

Mumiriri weKariba muparamende, VaJohn Houghton, vanoti chirongwa cheCAMPFIRE chakatadza kubudirira kare nekuti hachina mari yakawanda yachinounza sezvinofungwa nevanhu vakawanda.

VaHoughton vanoti budiriro yenzvimbo dzeMola neSiakobvu inogona kuuya chete nekubvakachirwa kwenzvimbo nevashanyi vanenge vachida kuona mhuka, idzo dzavanoti dziri kuurayiwa nechirongwa cheCAMPFIRE.

Mukuru wesangano rinoona nezvekuchengetedwa kwezviwanikwa, reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti makanzuru akawanda ekumaruwa anopedza mari yeCAMPFIRE achitenga zvikakarara zvemotokari pane kuti agadzire migwagwa nekuvaka zvikoro nemakiriniki.

Chirongwa cheCAMPFIRE chakaparurwa muna 1989 nehurumende chakanangana nekubatsira budiriro dzinotungamirirwa nematunhu uye kushandiswa kwezviwanikwa kusingagumi.

Mutemo unobata mhuka dzesango, we Parks and Wildlife Act wakapa CAMPFIRE makumbo ekumira nawo zviri pamutemo kuburikidza nekubvumidza nharaunda pamwe nevanhuwo zvavo vane nzvimbo dzavo, kushandisa nekupfuya mhuka dzesango paminda yavo, uye kushandisa mhuka dzesango mukuwana chouviri.

Chirongwa ichi chakaparurwa nemari yakabva kuhurumende yeAmerica yaiita mamiriyoni manomwe nezviuru mazana matanhatu emadhora kana kuti $7.6 million. Hurumende yeAmerica yakatsigira CAMPFIRE zvakanyanya kuburikidza nebazi re United States Agency for International Development, kana kuti USAID.

Izvi zvakaona vagari venzvimbo dzine mhuka vave kuayamurwa nemari yaibva mukutengeswa kwemhuka dzinenge dzaurayiwa zviri pamutemo, kana kuti trophy hunting.

Asi izvi zvinenge zviri kukona n'anga murapwa achida sezvo nzvimbo dzine mhuka dzesango idzi dziri kunzi dziri kuramba dzakasarira kumashure.

Chirongwa ichi pachakatanga vagari venzvimbo dzaivhimwa mhuka vaivhuriswa mabhuku ekumabhangi ayo aizoiswa mari nemakambani anenge avhima munzvimbo dzavo, asi zvinonzi izvi hazvichaitika sezvo mari ichinzi yave kuiswa muhomwe dzemakanzuru, izvo zvinonzi zvave kunetsa kuti vagari vaone kuti mari dzacho dziri kuzoshandisweyi.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG