Accessibility links

Breaking News

America Yoshanda neNyika dzemuAfrica Panyaya Dzekuenda kuMwedzi neZvitundumuserere


This Tuesday, Oct. 6, 2020, satellite image released by NASA Worldview, Earth Observing System Data and Information System (EOSDIS) shows a strengthening Hurricane Delta. Delta rapidly intensified into a dangerous Category 4 storm Tuesday while following…
This Tuesday, Oct. 6, 2020, satellite image released by NASA Worldview, Earth Observing System Data and Information System (EOSDIS) shows a strengthening Hurricane Delta. Delta rapidly intensified into a dangerous Category 4 storm Tuesday while following…

Mashoko anoteverera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana nenyika dzemuAfrica. America iri kusimbaradza kudyidzana nenyika dzemuAfrica panyaya yekutumira humhizha hwepamusoro soro kumwedzi pachishandiswa zvitundumuseresere.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemakungwa, mamiriro ekunze nehumhizha mukufambiswa kwemashoko muAmerica Amai Monica Medina vanoti kudyidzana uku kwakakosha zvikuru munyaya debudiriro. Amai Medina vakachingamidza Nigeria neRwanda senyika dzekutanga muAfrica kunyorerana chibvumirano ichi chinonzi Artemis Accords.

Vanoti nyika makumi maviri nenhatu dzaisa runyoro rwadzo pachibvumirano ichi. Uyu vati munongedzo wenyika dzakasiyana dzine chido chimwe chete chekusimudzira humhetura munyaya dzehumhizha munyaya dzekuenda kumwedzi.

America inoti zvibvumirano izvi zvinoenderanawo nedonzvo rayo rekushanda nekambani yeNASA Artemis Programme kuona kuti yatumira mudzimai wekutanga uye mutema wekutanga kumwedzi nechitundumuseresere.

Kuburikidza nechirongwa cheArtemis, America inoti iri kuda kuumba mubatanidzwa wenyika dzakasiyana siyana usati waonekwa munhoroondo yenyika dzepasi rino. Amai Medina vanoti masatellites ari panyika achiona zviri kuitika kumwedzi akakosha zvikuru mubudiriro yenyika dzepasi rino.

Semuenzaniso, Amai Medina vanoti humhizha uhu honobatsira kunzwisisa nezvenzvimbo dzinogona kuparadzwa nemoto uye kuruka mazana ekuti izvi zvingadzivirirwe sei zvichibatsira kuti vanhu vasa rasikirwe nehupenyu kana nehupfumi.

Vanoenderera mberi vachiti mwedzi wapera, Uganda neZimbabwe dzakatumira masatellites kumwedzi anenge achitarisa nyaya yekuchena kana kusvibiswa kwemvura, kushandiswa kweminda uye mamiriro evhu.

Vanoti America ichaenderera mberi nekushanda nedzimwe nyika dzemuAfrica pazvirongwa zvakadai zvekuona mamiriro akaita pasi rino pachishandiswa humhizha hwechizvinozvino.

America inoti iri kufara nerutsigiro rwairi kupihwa nechikwata chenyika dzemuAfrica dziri muUnited Nation's kana kuti African Group dzakanyorerana chibvumirano chekusatumira zvombo zvehondo zvemchadenga zvinokangaisa mamiriro ekunze.

America ndiyo yakaunza chisungo ichi kudare reUnited Nations. Amai Medina vanoti America yakazvipira kusimudzira humhizha hwekuziva mamiriro ekunze zvichiitwa murunyararo.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudzidzana nenyika dzemuAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG