Accessibility links

Breaking News

Vamwe veZvematongerwo eNyika Vowirirana neMapurisa Pakuti Munyika Mune Dambudziko reKushandiswa kwePfuti Dzisina Marezinesi


Mukuru wemapruisa, Commissioner-general Godwin Matanga.
Mukuru wemapruisa, Commissioner-general Godwin Matanga.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vari kuwirirana nemashoko akataurwa nemukuru wemapurisa, Commissioner-General Godwin Matanga neChitatu ekuti nyika yaita dambudziko guru repfuti dzisina marezinesi dziri kushandiswa mukuparwa kwedzimhosva.

VaMatanga vaitaura pamunamato wekuonekana naInspector Maxwell Hove, avo vaive mukuru wemapurisa kuHwedza vakashaya mushure mekupfurwa naVaJaison Muvevi

VaMuvevi vari kupomerwa zvakare mhosva yekupfura nekuuraya vamwe vanhu vaviri, VaCrispen Mubvana Karerusine naVaMunashe Mujanhi uye kukuvadza mumwe.

Munyika mune kunakurirana nyoka mhenyu kuti chii chapa kuti vanhu vakawanda vave nepfuti dzave kushandiswa zvisizvo.

VaTawanda Dzvokora, vanove sachigaro veCitizens' Coalition for Change mudunhu reAmerica, vanoti dambudziko iri riri kukonzerwa nekusaremekedzwa kwemutemo nevakuru muhurumende, izvo zviri kuzoita kuti vari pasi pavo vaite madiro aJojina, zvikuru vari mubato riri kutonga reZanu PF.

"Chiri kunetsa ndechekuti muZimbabwe hamichina mutemo zvachose. It's a jungle. Hakuna munhu ari kutevedzera mutemo nekuti vakuri vacho chaivo havasi kutoteedzera mutemo.

"Hakuna nyika inoshanda zvakadaro. Hove inoona kubva kumusoro, saka vanhu ngavazvigadzirise kubva kumusoro. Zanu PF gaizvigadzirise iyo nekuti kana vakutu vachityora mutemo zvinooneka pasina zvavanoitwa, mapurisa anopedzisirawo atyorawo mutemo," vaDzvokora vanodaro.

Asi VaAlex Gakanje, vanove mumwe wevechidiki muZanu PF, vanoti VaMatanga havana kuti nyika yazara nepfuti dzisina marezinesi, asi kuti vakati pfuti dziri kushandiswa mukupara dzimhosva zhinji dzacho hadzina mapepa.

"Hatifanire kuita Zimbabwe on the crime agenda nekuti ma crimes ari kuitwa muno umu muZimbabwe ave warrisome kudarika dzimwe nyika. Ende isusu muno muZimbabwe hakuna akapara mhosva akasabatwa. Hakuna!

"Saka tinofanira kutenda mapurisa. Ende vari vanhu vari kupara mhosva havasi veZanu PF. Muvevi haasi weZanu PF."

Gore rapera muna Nyamavhuvhu, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakaregerera vose vaive nepfuti dzisina kunyoreswa kana vakadzisarenda kumapurisa kusvika pakupera kwaGunyana pasina mibvunzo yaibvunzwa.

Zvinonzi pfuti mazana mashanu nemakumi matatu nesere, 538, ndidzo chete dzakanosiiwa kumapurisa panguva iri.

Nekukwira kunonzi kuri kuita mhosva dziri kuparwa pachishandiswa pfuti uye mashoko aVaMatanga ekuti pfuti dzisina mapepa dziri kushandiswa zvakanyanya, zvinoratidza kuti pfuti dzakawanda dzisina mapepa dzichiriko kunze uko.

Hurukuro naVaAlex Gakanje pamwe naVaTawanda Dzvokora
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG