Murume ange ari pakati pevanhu vari kutsvagwa nemapurisa zvakanyanya muItaly ari mukuru wechikwata cheMafia, Matteo Messina Denaro asungwa.
Denaro ainzi ndiye aitungamira chikwata cheCasa Nostra mafia asungwa pane imwe kirinika kuPalermo. Mapurisa ange ave nemakore makumi matatu achimutsvaga.
Matare akatonga Denaro asipo akabatwa nemhosva dzekuponda dzinodarika gumi kusanganisira kupondwa kwevachuchusi vehurumende Giovanni Falcone na Paolo Borsellino muna 1992.
Denaro akamboti anokwanisa kuzadza nzvimbo yose inoradzikwa vanhu achiviga vaakaponda chete.
Facebook Forum