Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zveNhabvu yemuPremier Soccer League Zvodzoka kuBasa Mushure meZororo reKupera kweMwaka wa2022 Pamwe neKisimisi neGoredzva


FC Platinum ndiyo ine mukombe weCastle Lager Premier Soccer League wemwaka wapera.
FC Platinum ndiyo ine mukombe weCastle Lager Premier Soccer League wemwaka wapera.

Zvikwata zvemuPremier Soccer League zvadzoka kubasa mushure mezororo rekupera kwemwaka wa2022 pamwe neKisimisi negoredzwa.

Zvikwata zvese zviri mugungano iri zvadzoka kubasa kutanga gadziriro yemwaka wenhabvu wegore rino, uyo uri kuratidza kuti uchange wakabaka moto.

Neizvo zvikwata zvichangopinda mugungano iri zvinoti Green Fuels, Simba Bhora, Sheasham neHwange, zvanonokerwawo nekutanga kwemakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League, ayo zvinoti zviri kugadzirira zvakasimba.

Simba Bhora iri kugadzirisa nhandare yeWadzanai kuShamva kuti iendese nhabvu kudhorobha rinozivikanwa nenyaya dzezvicherwa iri, panguva iyo Sheasham iri kugadzirisawo nhandare yeBata muGweru kuti ishandise mumitambo yePSL painenge ichitamba iri pamusha.

Pari zvino Sheasham iri mukamba kwaMurambinda kugadzirira kutanga kwemakwikwi ayo ari kusimuka muna Kukadzi.

VeCaps United vari kubudawo muHarare neMuvhuro kuenda mukamba kuKariba kuwedzera mwando mugadziriro yavo.

Mwaka wapera chikwata ichi chaitatarika zvikuru asi mutsigiri weMakepeke, VaAdmire Mapiye, vanoti gore rino nderavo.

Chikwata cheDynamos
Chikwata cheDynamos

Dynamos neHighlanders dzakatangawo gadziriro yadzo asi hadzisi kubuda mumaguta eHarare neBulawayo sezviri kuita zvimwe zvikwata zviri kuita gadziriro yazvo kunze kwemisha.

Chiri kunakidza ndechekuti mitambo yenhabvu yepamusoro mwaka uno iri kufararira kumativi mana ese enyika ichienda kwaRusape, Shamva, Mutare, Kariba, Harare, Triangle, Bulawayo, Hwange, Zvishavane, neGweru kana nhandare yeBata ikabudirira kushandiswa.

Izvi zviri kufadza vakawanda kusanganisira vagari vemuShamva, avo vari kufarira kuona nhabvu yepamusoro pamusuwo pavo kekutanga.

Vekumahofisi ePSL vadzokawo kubasa kusimudzira gadziriro yemakwikwi aya mushure mezororo reKimisi negoredzwa zvekare.

Gore rapera mukombe wakatorwa neFC Platinum, asi mutsigiri weBlack Rhinos, VaBest Munyuki, vanoti mwaka uno chitima cheFC Platinum chiri kumiswa munzira chisati chapedza rwendo rwacho.

Asi kune vamwewo vakaita semuongorori wemutambo wenhabvu, VaClaudia Machekera, vanoti FC Platinum haisi kuzoroveka zvekutamba.

Panguva iyo zvikwata zviri kutenga vatambi vatsva, vatambi Denver Mukamba naHardlife Zvirekwi varasikirwa nemabasa vachipomerwa mhosva yemisikanzwa.

Mukamba akadzingwa basa kuNgezi Platinum Stars, Zvirekwi achidzingwawo kuSimba Bhora.

Ngezi haisati yatenga vatambi vatsva asi Simba Bhora yakaraura Talent Chawapihwa, Valentine Musarurwa, Blessing Moyo naPatson Jaure.

Musika wekutenga nekutengeswa kwevatambi, uyo wakavhurwa musi wa 1 Ndira, unovharwa musi wa 31 Ndira.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG