Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi Vanoti Havasati Vawana Mbeu neFotereza Zvinotambiriswa Pachena neHurumende


Vamwe varimi vanoti kusvika pari nhasi havasati vatambiriswa mbeu nefotereza zvehurumende.

Varimi vemumatunhu eKariba, Sanyati nedzimwe nzvimbo kuHurungwe kuMashonaland West vanoti havasati vawana zvikwanisiro zvekurimisa kubva kuhurumende sezvavakavimbiswa.

Senzira yekupedza dambudziko renzara iyo yanga yatekeshera munyika, hurumende yakavamba zvirongwa zvakawanda zvinosanganisira kuwanisa varimi zvikwanisiro zvekurimisa zvakaita seCommand Agriculture, Presidential Inputs Scheme nePfumvudza.

Asi zvirongwa izvi zvinogara zvichisangana nematambudziko gore negore, anosanganisira kugoverwa kwembeu nefotireza kuvarimi mvura yaturuka kare, kupihwa mbeu pasina fotereza, kana kupihwa fotireza chete pasina mbeu.

Gore rino kusvika pari zvino vamwe varimi vekune matunhu eMashonaland West aya pamwe nekune mamwe matunhu makuru munyika akaita seMashonaland Central, Mashonaland East, neManicaland vanoti havasati vagoverwa mbeu kana fotereza kunyange hazvo nguva yekunge vaisa mbeu muvhu yafamba.

Mumwe murimi wekuSanyati asati awaniswa mbeu ndiVaTichaona Rambanepasi.

VaRambanepasi vanoti vari kupiwa zvikonzero zvekuti migwagwa haisi kufambika asi vanoti zvishoma zvakambouya zvakapihwa nhengo dzebato reZanu PF chete. Asi veZanu PF vanoramba zvipomerwa izvi vachiti bato ravo harisi iro rinotungamira nyaya dzekugoverwa kwezvikwanisiro izvi.

Vamwe varimi vanonzi vatove nechibage chakura.
Vamwe varimi vanonzi vatove nechibage chakura.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wekuMola, kuKariba, VaMasaba, avo vanoti vari kunziwo vabhadhare mari dzekutakurisa zvikwanisiro izvi kubva kuKaroi iyo vasina mari sezvo nzvimbo yavo iri kure.

Mukuru anoona nezvekurima mudunhu reMashonaland West, Amai Ciena Makaza, vanoti sebazi rehurumende, vari kutadza kufambisa zvikwanisiro zvekurimisa nekuda kwemigwagwa isiri kufambika zvakanaka nekuda kwekuparadzwa nemvura iri kunaya.

Gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka, vanotiwo dambudziko remigwagwa isiri kufambika riri kuonekwa kune mamwe matunhu ano sanganisira Midlands.

VaMasuka vanoti hurumende ichatumira motokari dzemauto kuti ndidzo dzitakure mbeu nefotireza kuendesa kunzvimbo dzisiri kusvikika idzi.

Panyaya yekusabhadharwa kwevanotakura zvikwanisiro izvi nenguva iyo iri kusimudzwa nevedzimotokari, VaMasuka vanoti vanotakura ava vanofanirwa kuziva kuti hurumende inononoka kubhadhara nekudaro vanofanirwa kushanda vozopihwa mari dzavo pashure.

Kunonoka kupihwa mbeu nefotireza kunonzi kuchaita kuti vamwe varimi vatadze kurima sezvo pavanozopihwa zvikwanisiro izvi mwaka unenge wafamba zvekuti zvirimwa zvavo hazvizosviki. Izvi zvinonzi zvichaderedza goho ravo, sekutaura kwemutungamiri werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union of Zimbabwe, Amai Maiwepi Jiti.

Amai Makaza vakatozivisa kare kuti dunhu reMashonaland West rinogona kutadza kudyara chibage mahekita zviuru mazana matatu ane makumi matanhatu, kana kuti 360 000 hectares, dziri kutarisirwa.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG