Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Ndira 13, 2023


Shona Headlines

Komiti yakadomwa neparamende kuti iongorore gwaro reZimbabwe Electoral Commission (ZEC) rekutanga rekutarwa kwemiganhu ichashandiswa pasarudzo, rePreliminary Delimitation Report, inotura zvayakawana kuparamende ichiti ZEC haina kutevedzera bumbiro remutemo uyewo zvakawanda zvaisina kuita zvakajeka zvinofanira kugadziriswa kuti gwaro iri rishandiswe pasarudzo pasina mutauro.

Apo mapurisa ari kuzivisa kuti akasunga vamwe vanhu vane chekuita nemhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika kuMurehwa North uko kwakarohwa nhengo dzeCCC nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF, bato riri kutonga reZanu PF reinoramba mhosva iyi richikurudzira nhengo dzaro kuti dzitsvage rutsigiro murunyararo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaremara kusanganisira vana vadiki zvakadzingwa panzvimbo yazvaipotera muJohannesburg, South Africa, zvinoti zvave kunonga svosve nemuromo.

Vamwe varimi vemumatunhu eKariba, Sanyati neHurungwe kuMashonaland West pamwe nemamwe matunhu emunyika yose vanoti havasati vawana zvikwanisiro zvekurimisa kubva kuhurumende sezvavakavimbiswa.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, nhasi tine hurukuro nemuimbi wechidiki achiri kusimukira, Daniel Robert Meck, uyo anoti ari kuruka dambarefu idzva rine nziyo gumi dzaanoti achapakura dzese kana dzaibva.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8:00 manheru, nhasi tiri kutaura nezvakawanikwa nekomiti yeparamende yevanhu gumi nevatatu yaiongorora gwaro rakaburitswa neZEC rekutanga rekutarwa kwematunhu, rePreliminary Delimitation Report, iro rasvitswa kuparamende nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG