Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voferefetwa Mushure Mekuonekwa Vaine Magwaro Aifanira Kusara kuHofisi Pavakasiya Basa seMutevedzeri waVaObama


VaJoe Biden

Muchuchusi mukuru wehurumende yeAmerica VMerrick Garland vanoti vaumba chikwata chevanhu chichaferefeta mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden mushure mekuwanikwa vaine mapepa ehurumende aifanira kusara kubasa pavakasiya basa semutevedzeri wemutungamiri wenyika kana kuti "classified documents".

VaMerrick Garland
VaMerrick Garland

VaGarland vati vadoma VaRobert Hur kuti vatange basa rekuferefeta VaBiden nezvenyaya iyi. Izvi zvinotevera kuwanikwa kwemamawe magwaro akakosha aifanira kunge ari mumaoko ehurumende kumba kwavo kuWilmington, Delaware.

Mamwe magwaro aya akawanikwa kuhofisi kwavainge voshanda pavakambosiya basa kuPenn Biden Center for Diplomacy and Global Engagement muWashington DC.

VaBiden vainge vari mutevedzeri wevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama kubva muna 2008 kusbika muna 2016.

Senator Mark Warner, sachigaro wekomiti yezvekusora kana kuti Intelligence Committee nemutevedzeri wavo VaMarco Rubio vanyora tsamba kubazi rezvekusora kana kuti Intelligence Committee vachida kuti vaudzwe mafambiro ari kuita nyaya iyi.

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Komiti iyi iri kudawo kunzwa kuferefetwa kwaitwa nevasori kuona kuti magwaro aVaBiden aya, uyewo akawanikwa kumba kwevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump kuFlorida, haana kuwira mumaoko evavengi here.

VaTrumpo vari kuferefetwawo nenyaya yekutora magwaro ehurumende vachienda navo kumba kwavo pavakasiya basa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG