Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBato reZimbabwe Transformative Party, VaKanyenzura, Vanowanikwa nedare Vaine Mhosva yeKutyora Mutemo weMOPO


Mutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe Transformative Party, VaParere Kanyenzura.
Mutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe Transformative Party, VaParere Kanyenzura.

Mutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe Transformative Party, VaParere Kanyenzura, vawanikwa nedare redzimhosva vaine mhosva yekuita musangano vasina mvumo yemapurisa musi wa 09 Chikunguru 2022, uye vapiwa mutongo wekuti vashande vachiita mabasa ekubatsira nharaunda, kana kuti community service.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, razivisa kuti VaKanyenzura, avo vane makore makumi mashanu nemaviri ekuberekwa uye vari zvakare Bhishopi veMirirai Jehovha Apostolic Church, vawanikwa vaine mhosva yekutyora mutemo weMaintenance of Peace and Order Act, (MOPO).

Vanonzi vakatungamira nhengo dzekereke yavo kufora mumigwagwa yeHarare dzichiimba kambo kechitendero kaive nemazwi aiti “Emmanuel tisunungureiwo tanzwa nenhamo”.

VaKanyenzura vanotarisirwa kubuda mujeri reHarare Remand Prison manheru ano mushure mekunge vagaramo kwemazuva anokwana zana nemakumi masere nemanomwe, kana kuti 187 vari muhusungwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG