Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Vabereki Vachichema Chema neMari yeDzidzo Yawedzerwa Zvakanyanya


Zvikoro zvavhurwa nhasi asi vabereki vakawanda vachichemachema nekudhura kwemari dzechikoro uku vamwe vadzidzisi vachitadza kuenda kuzvikoro. Vana vari kuzvikoro zvemabhodhingi kuMasvingpo neManicaland kwange kuchityirwa kuti kuchaita mafashamu ndivo vanzi vambomira kusvura zvikoro.

Mumwe mubereki ane mwana ari kudzidza paKutama, Amai Joyce Matinyare, vanoti mari yave kudikanwa inoita madhora chiuru chimwechete nemazana mashanu yakawandisa uye vati vamwe vana vange vasina kubhadhara vadzingwa..

Amai Matinyare vanoti vave kutotengesa midziyo yemumba sezvo vasiri kuda kuendesa mwana wavo kune chimwe chikoro iye ave kuda kunyora bvunzo dzeA level.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mubereki VaThomas Mbewe vati mari dzechikoro dzakawandisa.

Mumwe mudzidzisi VaRosten Mutapa vanoti vaenda zvavo kubasa asi zvinhu zvakaoma sezvo hurumende isina kuzadzikisa zvayakavavimbisa.

Nyaya yekukwidzwa kwemari dzechikoro dziri kunetsa muzvikoro zvekuti vamwe vabereki vane vana vanodzidza paKutama vakatoendesa chikoro chavo kumatare edzimhosva epamusoro kana kuti High Court mushure mekunge chikoro ichi chafunga zvekuzvimiririra kana kuti privatisation zvakaita kuti mari dzechikoro dzikwidzwe kubva pamadhora mazana matatu emadhora ekuAmerica kusvika pamadhora chiuru nemazana mashanu kutanga kotoro yekutanga gore rino.

Mukuru wesangano rinoona nezvebudiriro muzvikoro kana kuti School Development Association VaBanny Manokokore vati zvikoro hazvifanire kukwidza mari pasina kutaurirana nevabereki.

Izvi zvakatsinhirwawo nemutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro pavakambotaura neStudio 7. VaNdoro vatiwo zvinhu zvange zvichifamba zvakanaka muzvikoro.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe -ARTUZ VaObert Masaraure vanoti vamwe vadzidzisi zvikamu makumi mashanu kubva muzana havana kuenda kuchikoro sezvo vasina mari dzekufambisa uye vana zvikamu makumi matatu kubva muzana ndivo vaenda kuchikoro nhasi.

Kunyange hurumende kuburikidza nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yakavimbasa gore rapera kuti vana vachaenda kuchikoro pachena gore rino izvi hazvisi kuitika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe VaProsper Chitambara vanoti hapana nyaya yekuti chikoro mahara sezvo hurumende ichizongokwidza mari dzemitero kuti ikwanise kuwana mari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG