Accessibility links

Breaking News

Musika weKutenga neKutengesa Vatambi veNhabvu Unovhurwa muNyika Pasina Kumhanyidzana kweZvikwata


Caps United haisi kuvhunduka zvakanyanya pakutenga vatambi vatsva.

Musika wekutenga vatambi vatsva nekutengesa vasisiri muhurongwa hwezvikwata zvenhabvu zvemunyika wasimuka asi pasina chipatapata chakanyanya.

Musika uyu watanga wakatonhora sezvo zvikwata zvishoma-shoma zviri izvo zviri mubishi rekutenga vatambi vatsva pasina manyuku-nyuku aiveko mwaka wapera.

Kunyange Caps United, iyo yakaita mukurumbira nekutenga vatambi vatsva gumi nevasere gore rimwechete, haisi kuvhunduka zvakanyanya pari zvino.

Nguva ino Makepekepe inoti yatora chete Godknows Murwira, uyo akasiiswa basa kuDynamos musi wa 31 Zvita, 2022.

Mukuru weCaps United, VaFarai Jere, vanoti vatambi vese vachauya kumaGreen Machine vanofanira kuziva kuti kutambira chikwata chine mbiri ichi kunorevei?

VaJere vakapedza gore rese ra2022 vachichema-chema apo vatambi vavo vaimboramwa basa nenyaya dzemihoro yavo mugore rimwechetero iro chikwata chavo chaitatarika zvinotyisa.

Asi muteveri weMakepekepe, VaAdmire Mapiye, vanoti gore rino Caps United yakabaka moto mushure mekugadzirisa dambudziko ravo remari.

Pari zvino Dynamos, Manica Diamonds, neShesham, ndizvo zvikwata chete zviri kundengendesa musika nekukumba vatambi kubva zvakavhurwa musika musi wa 1 Ndira gore rino.

Sheasham iri kuda kudzivirira njodzi iri kusangana nezvikwata zvakawanda zviri kubva kuDivision One zvodzokera ikoko mwaka iwoyo nekukundikana muPSL.

Mwaka wapera Hwahwa, Tenax neBulawayo City, idzo dzaive dzichangobva kuDivision One, dzakakundikana muPSL ndokudzokera zvakare kuDivision One.

Nekudaro, murairidzi weSheasham, John Nyikadzino, awedzera vamwe vatambi gumi pane avo vakamubatsira kupinda muPSL aine chivimbo chekurarama kwemakore akawanda munhabvu yepamusorosoro iyi.

Vamwe vevatambi ava atora kuzvikwata zvemuPSL kusanganisira Parkington Mazhau kubva kuZPC Kariba, Future Sibanda kubva kuHighlanders, naTichaona Macheka naDiego Makurumidze kubva kuCaps United.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu, VaWisdom Ncube, vanoti zvikwata zvinofanira kungwarira kungokumba-kumba vatambi vakawandisa.

Simba Bhora, iyo yakapindawo muPSL pamwechete neSheasham, iri kutora vatambi vashoma nevashoma isingatarisire shanduko yakakurisa kuchikwata ichi.

Mushure mukuraura Talent Chawapihwa, Simba Bhora yatengawo zvekare Ian Nyoni kubva kuCaps United.

Simba Bhora ine murairidzi mutsva Tonderai Ndiraya, uyo yakapa basa munaZvita gore rapera apo zvakaziviswa kuti aive obva kuDynamos.

Ndiraya pachake anoti ari mubishi kugadzirisa chikwata chake kuti chikwanise kukwikwidza zvine mutsindo.

Kunyange hazvo iine vatambi vatora mukombe weligi pamakore mana apfuura, FC Platinum yatenga Perfect Chikwende kubva kuBulawayo Chiefs.

Chikwende aimbotambira FC Platinum asati aenda kuSimba Stars yekuTanzania asi akabatana neBulawayo Chiefs apo akadzoka muZimbabwe.

Asi mutambi uyu anyorerana chibvumirano chebasa zvekare neFC Platinum iyo yakamuitisa mbiri muCAF Champions League muna 2020.

Mashoko ari kufamba anoti Panashe Mutasa awanawo basa kuManica Diamonds mushure mekupesana neTenax, iyo iri kuenda kuDivision One.

Manica Diamonds iri kurura pamusika wevatambi mushure mekuraura vamwe vatambi vatanhatu pamusoro paMutasa.

Asi pari zvino kune runyararo kuzvikwata zvakaita seHighlanders, Triangle, Black Rhinos, Bulawayo Chiefs, Ngezi Platinum, Black Rhinos, Cranborne Bullets, Herentals, Yadah neZPC Kariba mukuraura vatambi vatsva.

Mumwe mutsigiri wemutambo wenhabvu, VaKenneth Mushipe, vanoti zvikwata hazvina mari yekutenga vatambi vakawanda nemhaka yedenda reCovid 19 iro rakakanganisa vemabhizimisi zvakasimba.

Kunyange Green Fuel neHwange, idzo dzakapindawo muPSL mwaka uno, hadzisi kuita ruzha munyaya dzevatambi vatsva.

Musika wekutenga vatambi vatsva uchavharwa musi wa 31 Ndira, mitambo yemwaka uno isati yatanga muna Kukadzi.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG