Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Ndira 06, 2023


Shona Headlines

Paramende inodoma komiti ine nhengo gumi nenhatu ichange ichitungamirwa nevanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurayi Togarepi, iyo ichaongorora nekunzvera gwaro rekutanga rekutarwa kwematunhu richashandiswa musarudzo, kana kuti Preliminary Delimitatiom Report.

Mhuri dzinokwana makumi matatu neshanu dzaishanda papurazi reMpapa kuMwenezi mudunhu reMasvingo dzakasara dzisisina pekugara mushure mekutorwa kwepurazi iri nevamwe varume vanofungirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF. Purazi iri raive remhuri yechichena yaishandirwa nemhuri idzi.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions rinonyorera gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, tsamba yekukurudzira kuti paitwe musangano weNational Joint Negotiating Council, NJNC wechimbichimbi wekuzeya mihoro yevashandi mugore rino ra2023.

Vamwe varimi vaimborima chibage nedonje mudunhu reMashonaland West vosiya zvirimwa izvi vachirima zvirimwa zvemumapindu zvavanoti vachiti chibage, fodya nedonje hazvichabhadhare senguva yakare.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tine hurukuro nemuimbi wemusambo weSungura achiri kusimukira, Romeo Gasa, uyo ari kutaura nezvedambarefu rake idzva rinonzi “Foni YaBaba Imhiripiri.”

Muchirongwa cheLiveTalk, nhasi tiri kutaura nezvegwaro rekutanga rekutarwa kwematunhu, Preliminary Delimitation Report, iro rasvitswa kumatare eparamende nhasi zvaita kuti paramende iumbe komiti ine vanhu gumi nevatatu vachariongorora.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG