Gore ra 2022 riri kudarika pakati pehusiku vamwe vachiti Zimbabwe inofanira kushandisa zvayakadzidza muna 2022 kuti ikwanise kubudirira mumitambo muna 2023.
Gore ra 2023 rakapakata machikichori emitambo kusanganisira makundano eWorld Cup matatu mumitambo yerugby, cricket, pamwe nebhra remaoko, kana kuti netball, uko maGems eZimbabwe ari kunokwikwidza.
MaGems akapedza ari pachinhanho chechisere pamakundano akapedzisira kuitwa kuLiverpool, England, zvekuti kaputeni wavo Felistus Kwangwa ari kuvimbisa kudarika zvavakamboita izvi apo vari kuenda kuSouth Africa.
Zimbabwe ndiyo imwe yezvikwata gumi nezviviri zvichange zvakaungana muCape Town muna Nyamavhuvhu gore rinouya kurwira mukombe uyu, zvimwe zvacho zviri Australia, Barbados, England, Tonga, Fiji, Malawi, Scotland, South Africa, Jamaica, Wales, Sri Lanka, New Zealand, Singapore, Trinidad and Tobago neUganda.
Asi muongorori wezvemitambo, VaMathias Kufandirimbwa, vanoti Zimbabwe inoda gadziriro yakasimba kwete kutamba nezvikwata zvavanogarorova nekuti hapana chavanowana mazviri mugadziriro yavo.
Makundano eNetball World Cup aya ndiwo mamwe emitambo yakatarisana nezvikwata nevatambi vemuZimbabwe mugore ra2023, iro riri kutanga pakati pehusiku hwanhasi.
Chikwata chemutambo we kiriketi, chemaChevrons, chichiri nemukana wekuenda ku2023 World Cup kunyange hazvo izvi zviri kuratidza kuti zvichange zvisiri nyore.
Pari zvino, Zimbabwe iri pachinzvimbo chegumi nembiri mugungano rinofanira kubuda zvikwata zvinomwe kuenda kumafainari eWorld Cup ayo achaitirwa kuIndia.
Mutambi wetsiva wechidzimai, Kuda Chiwandire, achange ari munzira kuenda kuMexico kunorwira bhande regoridhe reWBC rehuremu hweSuper Bantamweight.
Chiwandire ari kubandana naYemileti Mecardo, mutambo uyo anoti aive akamirira kwenguva refu.
Maneja wake Clyde Musonda anoti Chiwandire anofanira kuve ave nemabhande ese muhuremu uhu panopera gore ra2023.
Asi vatambi vechikwata chikwata che rugby chenyika vachange vari mudzimba dzavo kuona Rugby World Cup 2023 pazvivhitivhiti mushure mekutadza kubudirira kuendako.
Asi vatsigiri vemutambo uyu vanoti vachange vachikuzirira vavakidzani veNamibia kunyange hazvo vakatora nzvimbo yaifanira kutorwa neZimbabwe.
Asi veruzhinji, kusanganisira muzvinabhizimisi VaInnocent Mutena, vari kutarisira kuti dambudziko remagetsi harisi kuzovakanganisa kuona makundano eWorld Cup aya sezvakaitika kune enhabvu.
Maziso nenzeve zvevanotevera nhabvu zvese zvichange zviri pane veSports and Recreation Commission kudak kunzwa nekuona kuti vachafambisa sei nyaya dzekudzoka kweZimbabwe munhabvu yepasi rese.
Zuva nezuva Zimbabwe iri kurasikirwa nekusave mumhuri yeFIFA izvo maneja wevatambi, VaGeorge Deda, vanoti zvinofanira kugadziriswa nechimbi-chimbi.
Asi vatambi vakawanda vemimwe mitambo kusanganisira Donata Katai, uyo anove mutuhwinhi ane mukurumbira, Peter Wetzal, Peter Purcel-Gilpin naScott Vincent anotamba gorofu, vari kushandisa gore ra2023 kukunda kana kuwana nguva dzinokodzera kukwikwidza kumakwikwi e2024 Olympic Games.
Pakapedzisira kuitwa makwikwi aya kuJapan muna 2021, Zimbabwe yakatumira vatambi vashanu chete nekuti vamwe vese vaive nenguva dzaisakodzera kukwikwidza kumakundano makuru aya.
Makundano anotevera emaOlympic Games ari kuitirwa kuParis kuFrance muna 2024.
Asi gore rino, riri kupera zvinorwadza zvichitevera kushaya kwaPele uyo akaita mukurumbira pasi rose mumutambo wenhabvu uyezve anozivikanwa saMambo WeBhora.
Kwese kwese venhabvu nemitambo vari kuchema mutambi uyu, uyo akatora mikombe yeWorld Cup mitatu uyezve akanwisa zvibodzwa zvinosvika chiuru.
Veruzhinji vanoti hapana anofananidzwa naPele munhoroondo yenhabvu pasi rese vachiti kana Lionel Messi naDiego Maradona avo vakaitawo mukurumbira havasviki.
Muongorori wemutambo wenhabvu, VaLawrence Hwekwete, vanoti hapana pasi rino akatamba nhabvu kudarika Pele, kusanganisira vatambi vemakore ano.
Mutsigiri wemutambo wenhabvu, VaMacabee Makamure, vanoti panguva yake Pele aive mutserendende, matsimba ave kuteverwa nevatambi vemazuva ano.
Pele akashaya mushure mekunetseka nedenda regomarara kwenguva yakareba. Hazvisati zvaziviswa kuti anoradzikwa riinhi.
Facebook Forum