Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi kuMashonaland West Vokundikana Kutenga Fotereza Nekuda kweMutengo Uri Pamusoro


Fotereza
Fotereza

Varimi vechibage vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti goho ravo remwaka uno richange rakadzikira nekuda kwekutadza kutenga fotireza iyo vanoti iri kuvadhurira. Mumwe murimi wekuMakonde, VaMicah Nhokwara, avo vakarima mahekita gumi, vanoti vari kutadza kutenga fotireza yepamusoro vachiti iri kuvadhurira.

VaNhokwara vanoti madhora ekuAmerica makumi mashanu nematatu kana kuti US$53.00 iri kutengeswa nayo tsaga rimwe chete refotereza rine huremu hwemakirogiramu makumi mashanu yakawanda zvekuti havakwanise kutenga matsaga makumi matatu anganzi ndiwo mashoma avanoda.

Izvi zvinotsinhirwa nemumwe murimi wekwaZvimba, VaIshmael Mandaza, avo vanoti kutadza kutenga fotireza kwavo kuri kukonzerwa nekutengwa kwechibage chavo nemari iri pasi neGrain Marketing Board, kana kuti GMB.

VaMandaza vanoti mari yakatengwa tani imwechete yechibage, inove madhora makumi mapfumbamwe emari yekuAmerica kana kuti $90.00, haikwanise kutenga fotireza shoma zvayo inodikanwa pahekita imwechete.

VaMandaza vanoti nyaya yekushaya fotireza ndiyo inoita kuti varimi vatadze kukohwa pakuru nekuti vanoisa fotireza shoma zvinozoita kuti vatadze kuwana matani akawanda pahekita.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti kuti varimi vawane zvikwanisiro zvose pakurima vanofanirwa kuyamurwa nevemabhangi sezvaiyitika nguva yakare.

Chibage chave kuda fotereza.
Chibage chave kuda fotereza.

Ko chii chiri kupa kuti fotereza idhure zvakanyanya munyika??? Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumakambani anogadzira fotereza panguva yataenda pamhepo.

Asi mumwe mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaPeter Haritatos, vachipindura mibvudzo yatakavatumira padandemutande reWhatsApp, vakati hondo iri pakati penyika dzeUkraine neRussia ndizvo zvimwe zviri kuita kuti fotireza idhure munyika sezvo nyika ichitenga fotireza kunyika mbiri idzi.

Zimbabwe inotengawo zvimwe zvinodiwa mukugadzira fotereza kuBelarus.

Izvi zvinotsinhirwa negwaro rekaburitswa nemasangano anoyamura nyika nezvekudya eWorld Food Programme kana kuti WFP, neFood and Agriculture Organisation re United Nations, kana kuti FAO, rakanzi "Ukraine Crisis and Food Security in Zimbabwe" iro rinoti nyika inotenga fotireza zvikamu makumi masere nezvisere kubva muzana kana kuti 88 percent kubva kunyika dzeUkraine neRussia.

Gwaro iri rinotiwo fotireza yakakwira mutengo nezvikamu makumi mapfumbamwe nezvitatu kubva muzana, kana kuti 93 percent, kubva mumwedzi waKukadzi kusvika muna Gunyana gore rino.

Gwaro iri rinokurudzira hurumende kuti iwanise vanhu vanoshaya chete fotireza pasi pechirongwa chayo chekuwanisa zvikwanisiro zvekurimisa, kwete kupa vakuruvakuru muhurumende avo vagara vachiwana nechakare.

Hurumende inonziwo ine hurongwa hwekuvandudza mugodhi weDorowa Minerals, uyo unonzi ndiwo chete munyika yose unochera phosphates inogadziriswa fotereza, pamwe nekuvandudza kambani yeZimbabwe Phosphate Company kana kuti Zimphos, asi izvi zvinonzi zvinoda mari inoda kusvika kumamiriyoni makumi manomwe emadhora ekuAmerica, kana kuti US$70 million.

Gurukota rezvemaindasitiri, Doctor Sekai Nzenza vakaudza bepanhau reSunday Mail mwedzi mishoma yadarika kuti kana izvi zvakaitika zvinobatsira nyika kuti isarame nekutenga fotereza kunze asi kuti izvigadzirira yoga.

Kusvika izvi zvaitika, varimi vakawanda munyika vacharamba vachiomerwa nehupenyu sezvo vasingakwanise kutenga fotereza iri kudhura iyi.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG