Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeSouth Africa Inotungamira Munamato weKurangarira Vanhu Vakashaya muTsaona yeMoto kuBoksburg


Vamwe vevanhu vaungana pamunamato waitwa nehurumende kuBoksburg kuSouth Africa. (Mufananidzo naThuso Khumalo)
Vamwe vevanhu vaungana pamunamato waitwa nehurumende kuBoksburg kuSouth Africa. (Mufananidzo naThuso Khumalo)

Hurumende yeSouth Africa nhasi yatungamira munamato wekurangarira vanhu makumi maviri nevatanhatu vakashaya mutsaona yekuputika nekubatira moto kwerhori yakanga yakatakura peturu muBoksburg masvondo maviri adarika.

Tsaona iyi yakaitika mushure mekunge rhori iyi yaedza kupinda nepasi pezambuko apo yakatadza kukwana zvakazoita kuti ibatire moto.

Vanhu vakafa pamwe nekukuvara mutsaona iyi vanosanganisira vedzimotokari, vaipfuurawo zvavo, vaiungana kuzoona tsaona iyi, pamwe nevashandi vepane chimwe chipatara chiri pedyo vaive pabasa.

Muzinda weZimbabwe wazivisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvine chitsama zviri pavanhu vakashaya mutsaona iyi.

Muzinda uyu wanga uchitarisirwa kumirirwa pamunamato uyu nevamawe vakuru vemuzinda munyika iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG