Accessibility links

Breaking News

Vakafanobata Chigaro cheMutungamiri weNyika, VaChiwenga, Vokurudzira Veruzhinji Kusiyana neMhirizhonga muSarudzo dzeGore Rinouya


Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakurudzira veruzhinji kuti vasiyane nezvemhirizhonga apo nyika yakatarisana nesarudzo gore rinouya, vachitiwo kunyange hazvo pave nenguva hupfumi hwenyika husiri kufamba zvakanaka, hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kushanda zvakasimba kushandura zvinhu.

Vachitaura pagungano remunamato wepakupera kwegore rino ra 2022, weNational Thanksgiving and Dedication Service waitirwa muBulawayo nhasi VaChiwenga vati veruzhinji havafanirwe kutya kuti nyika ichaparara nekuti iri mumaoko aMwari.

Vati zvisinei nekuomerwa nezvinhu kweveruzhinji nekuda kwezvavanoti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumadokero, hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yaita zvakawanda kusimudzira hupfumi.

"Hongu zviri kurwadza veruzhinji; zviri kutirwadza tose. Asi ndiwo mubairo watinofanirwa kutarisira. Patakawana kuzvitonga kuzere muna 1980, vaive vakatipamba havana kumbofungidzira kuti tichasvika pakutora ivhu redu nezviwanikwa zvose," vadaro VaChiwenga.

Gungano reNational Thanksgiving and Dedication Service rinoitwa pakupera kwegore rega rega pasi pemubatanidzwa wemasangano emachechi akasiyana-siyana richitungamirwa naReverend Andrew Wutawunashe.

VaChiwenga vatenda vemakereke nekutsigira hurumende mukurwisa kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri vehurumende pamwe nevamwe vemabhzimisi uye mamwe makambani zvibviswe, vakatiwo vemachechi vanofanirwa kushandawo mukutsigira hurumende muzvirongwa zvayo zvebudiriro.

VaConstantino Chiwenga naVaAndrew Wutawunashe
VaConstantino Chiwenga naVaAndrew Wutawunashe

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika ava vakurudzira zvakasimba kuti vemachechi varwise dambudziko rekutora zvinodhaka rakatarisana nevechidiki kunyanya.

"Senyika takatarisana nedambudziko guru rekurasika kwehunhu kuburikidza nekuda kwezvinodhaka, izvo zvinoda kuti tishande pamwe chete sehurumende namachechi kuti tigadzirise dambudziko iri," vawedzera vachidaro VaChiwenga.

Vatiwo gadziriro yesarudzo dzegore rinouya yatanga mushure mekuburitswa kwakaitwa gwaro rekutarwa kwemiganhu yematunhu kana kuti Delimitation Report neZEC, iro rakasvitswa kumutungamiri wenyika VaMnangagwa uye richazeiwa neparamende.

Vakurudzira vemachechi kuti vanamatire kuti munyika muve nerunyararo vachiti hurumende haizotarise yakapeta maoko kana pakave nevanoita zvemhirizhonga.

"Sarudzo dzedu hadzifanirwe kuve dziine mhirizhonga mukati. Zvakakoshawo kuti tiratidze pasi rose kuti tiri vanhu vane runyararo, uye tiri nyika inokwanisa kubatana zvisinei nekuvepo kwevanenge vakunda kana kukundwa musarudzo idzi, tichibatana pamwe chete mukuvaka nyika yedu."

Vachipindura mubvunzo wekuti vanoti kudii nemaonero ekuti vamwe vemakereke vanotsigira hurumende asi vasingashori nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekushungurudzwa kwevanopisikisa, mumwe mufundisi mukuru weRoman Catholic, Father Fidelis Mukonori, avo vange varipowo pachiitiko ichi, vaudza Studio 7 kuti panofanirwa kuve nehumbowo huzere hunoratidza izvi.

Asi VaSwithern Chiroodza, vanove mutauriri webato reCitizens’ Coalition for Change mudunhu reBulawayo, vati zviri pachena kuti vemakereke ava vanotema vaine divi ravakarerekera.

Gungano reNational Thanksgiving rakatangwa mugore ra2017 uye aka ndekechitanhatu richiitwa.

Nyaya ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG