Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nezvemhirizhonga apo nyika yakatarisana nesarudzo gore rinouya.
Dare ramejasitiriti remuHarare rinonyima zvakare mumiriri weZengeza West muparamende vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaJob Sikhala, mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekavhiringidza kufambiswa kwenyaya mumatare.
Bato rinopikisa reZAPU ropemberera makore makumi matanhatu nerimwe kubva zvarakaumbwa muna 1961.
Apo gore ra2022 rave kupera, vemabhizimisi pamwe nenyanzvi munyaya dzehupfumi vanoti zvinhu zvange zvisina kumira zvakanaka sezvo hupfumi hwakatarisana nematambudziko akawanda anosanganisira kushomeka kwemagetsi, kukwira kwemutengo wemari kumabhanga (high interests rates), kushaya simba kwemari yemunyika nezvimwe zvakawanda.
Muchirongwa chedu chemagitare, chesvondo rino tinokupai hurukuro ne muimbi we musambo we Contemporary Jazz, Bernard-Bukira Betera. Bernard ane nziyo itsva dzichangoburwa,dzinoti ,Tyrant na Zimbabwe.
Varimi vechibage vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti goho ravo remwaka uno richange rakadzikira nekuda kwekutadza kutenga fotireza iyo vanoti iri kuvadhurira.
Muchirongwa cheLiveTalk, nhasi tiri kutaura nezvekupeta gore ra 2022 apo tatarisana negore ra 2023. Zvii zvamuri kutarisira muna 2023?
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Facebook Forum