Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vezve Mitambo Yakasiyanasiyana Voronga Kushanyira Hama neShamwari muNguva ino yeZororo reKisimusi


Nyanzvi yemutambo wetsiva yechidzimai, Kudakwashe Chiwandire.
Nyanzvi yemutambo wetsiva yechidzimai, Kudakwashe Chiwandire.

Kisimisi inguva yezororo yekufara nemhuri pamwe nekushanyira hama neshamwari.
Vakawanda vezvemitambo vanoti mushure mekutadza kushanyira hama neshamwari makore mashoma apfuura nemhaka yechirwere cheCovid 19, vachange vari munzira kushanyira hama kumaruwa nemumaguta akasiyanasiyana.

Mutambi wetsiva ane mukurumbira, Brendon Denese, anoti achange ari kumusha kuMasvingo achipemberera zvaakakohwa mwaka uno.

Vamwewo vakaita semurairidzi wenhabvu wevabati vepagedhe, Chenjerai Dube, vanoti ino ndiyo nguva yekuve nemhuri nekuti basa ravo harivape nguva yakakwana yekuita izvi.

Murairidzi wechikwata che rugby, cheOld Hararians ,Dereck Chiware, anoti varikupa vatambi vavo nguva ino kuti vambokanganwa zvemutambo werugby vambopawo nguva kumhuri dzavo nekuhama neshamwari.

Aimbove mutambi wetsiva muhuremu hwe middleweight, Farai ‘Gudo’ Mugoni, anoti ino ndiyo nguva yaanoshandisawo kutsvaga vechidiki vane tarenda mutsiva.

Aimbobatira chikwata cheKambuzuma United, Shepard Saizi , anoti akanamwa nemari dzezvikoro dziri kudiwa munaNdira gore rinouya zvekuti Kisimisi ari kutamba ari pamba.

Munyori wezvemutambo wenhabvu anogara kuEngland, Admire Muhimeke, anoti ari pamba nemudzimai wake kwakare kuEngland mushure mekunge vana vashanya kuhorodhi kuZimbabwe.

William Manhondo, uyo akanwisa zvibodzwa zvakawandisa muPremier Soccer League ari mutambi weCaps United, anoti horodhi yake iri kumunakidza ari pamba nemhuri yake zvekare.

Asi mutambi wetsiva wechidzimai ane bhande resirivha reWorld Boxing Council, Kudakwashe Chiwandire, aseka zvake achiti iye haana kana mari zvekuti achange akatyoka zvake ari pamba uyezve nekutora nguva ino kugadzirira mutambo wake unotevera.

Chiwandire ari kugadzirira mutambo naYemilethi Mercado wekuMexico vachirwira bhande regoridhe reWBC rehuremu hwe super bantamweight.

SPORT XMAS PACKAGE-KARIATI-SHO 24 DEC 2022.wav
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG