Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dziri kuMhondoro-Ngezi Dzosimudzirwa neKurima Bindu Dzichitsigirwa neKambani yeZimPlats


Mhuri idzi dziri kurima gariki, tsangamidzi ne turmeric d.zichidiridzira

Dzimwe mhuri makumi maviri neina dzemuWard 10 kuMhondoro-Ngezi dzinoti hupenyu hwadzo hwashanduka nekuda kwebindu radzakatanga nekuda kwerubatsiro rwadzakawana kubva kukambani yemigodhi yeZimplats.

Bindu iri rinorimwa gariki, tsangamidzi ne turmeric, iyo ine midzi yakangoda kufanana netsangamidzi mukutarisika, rakatangwa nemhuri idzi gore rino muna Chivabvu uye dzakatanga kukohwa muna Gumiguru nekutengesa zvirimwa kutanga kwemwedzi uno.

Vakawanda vakawana mari iri pakati pemadhora mazana mashanu kusvika pamadhora chiuru chemari yekuAmerica iyo vanoti iri kushandura hupenyu hwavo sezvo vaimbowana mari shoma pavairima chibage chete.

Mumwe ari kurima gariki akawana mari inosvika mazana manomwe emadhora ekuAmerica, Amai Evelyn Mupambawatyi, vanoti pavakatanga zvainge zvakaoma.

A

Amai Evelyn Mupambawatyi vari mubindu rine tsangamidzi.
Amai Evelyn Mupambawatyi vari mubindu rine tsangamidzi.

mai Mupambawatyi vanoti vari kufara nemari yavakawana zvekuti Kisimusi ino vachafara nemhuri.

Mumwe ari kufara nekuda kwebindu riri kuvapa pundutso iri ndaVaIngwani Piki, avo vanoti vakawana mari iyo yakaita kuti vakwanise kutenga mbeu yechibage nefotireza pamwe nekutenga zvekudya zvemhuri yavo.

Kunyange hazvo zvinhu zviri kufamba zvakanaka, varimi ava vanoti hapana mvura yemutsime isina chura vachiti vari kutenga zvirimwa zvavo veTraditional Grains Producers Association -TGPA- avo vakavapa mbeu, vari kuderedza hukoshi kuti vavabhadhare mari shoma.

VaPiki vanoti kunyange gariki ravo ranga rakakura asi mari yavakapihwa yainge iri shoma vachiti vangadai vakawana mari yakawanda kudarika mazana masere avakazowana.

VaIngwani Piki
VaIngwani Piki

Asi VaBasil Nyabadza, vanove mukuru wekambani inotenga zvirimwa zvevagari ava yeTraditional Grains Producers Association vanoti varimi vachiri kudzidza kurima zvirimwa izvi uye vanofanirwa kuziva kuti zvinoda manyowa akadii nemvura yakadii kuti vawane goho rakakura.

VaElias Nyamombe vanoti chakanakirawo kurima gariki, tsangamidzi ne turmeric ndechekuti hazvidhure sezvo vachishandisa mufudze wemombe uye vanotenga vanovavinga kunzvimbo dzavanogara.

Mumwe mudzimai akafirwa nemurume Amai Rhoda Sithole, vanozivikanwa saAmai Bhinya, vanoti mari yavakawana yakavapa tariro yekuti vanogona kutenga mombe dzavo pagoho rechipiri gore rinouya.

Mukuru anoona nezvekudyinzana mukambani yeZimplats kana kuti Community Relations Officer, VaGeorge Matsoka, vanoti vacharamba vachiyamura vanhu vemunharaunda dzavanoshandira uye purojekiti yebindu inoita kuti vagari vawane mari nguva dzose uye kwavanotengesera kuripo kare.

VaMatsoka vanotiwo bindu iri riri kuita kuti madzimai ave nemari dzavo vega kuburikidza nekurima uye mari yavo vanoipihwa pavanenge vatengesa ari madhora ekuAmerica.

Varimi ava vakapanana nzvimbo yakareba mamita zana nemakumi masere uye akapamhamha mamita maviri.

Vanoshandisa mvura yavanochera pamugodhi wakacherwa neZimplats uye vari kutarisira kucheresa mumwe mugodhi vega.

Varimi vakawanda mumatunhu akasiyanasiyana munyika vave kurima gariki vachibatsirwa nemasangano pamwe nemakambani akasiyanasiyana, anosanganisira ZimTrade, uye zvirimwa zvinoti gariki, turmeric netsangamidzi, uye zvirimwa izvi zvinonzi zvine musika wakatomirira kunze kwenyika.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG