Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Zvita 23, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodoma nhengo dzekomiti yepamusorosoro mubato ravo, kana kuti Politburo, vachidzosa nhengo zhinji dzanga dzagara dziri mukomiti iyi uyewo kudoma vamwe vanhu vashomanana vakanga vamboita sevaraswa nebato iri .

Nhengo nhatu dzinorwira kodzero dzevanhu dzakasungwa kuBulawayo nezuro dzinopiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita zviuru makumi maviri zvemadhora emunyika pamunhu..

Vemamwe mabhizimusi madiki pamwe nevanotengesera mumigwagwa vochemachema kuti bhizimusi harina kusimuka gore rino sezvinotarisirwa panguva yezororo reKisimusi mune mamwe makore.

Vakawanda mumadhorobha nemaguta votya kuti vachatamba kisimusi zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzekuwanikwa kwemagetsi pamwe nemvura yekunwa.

Dzimwe mhuri makumi maviri neina dzemuWard 10 kuMhondoro-Ngezi dzinoti hupenyu hwadzo hwashanduka nekuda kwebindu radzakatanga nekuda kwerubatsiro rwadzakawana kubva kukambani yemigodhi yeZimplats.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, nhasi tiri kukupayi hurukuro nemuimbi wechidiki, Benson Machanga, anozivikanwa neremagitare rekuti TYTANCE anobva kuMashava.

Muchirongwa cheLiveTalk, tiri kutaura nezvezororo reKisimusi. Muri kuigadzirira sei muri kwese kwamungadai muri?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG