Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVakapondwa muNguva yeGukurahundi Vosungwa paZuva reKubatana kweZanu PF nePF Zapu


Gukurahundi Memorial Center
Gukurahundi Memorial Center

Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoto vanhu vatatu vesangano rinorwira kodzero dzevane hama dzakafa kana kukuvadzwa munguva yeGukurahundi reIbhetshu Likazulu vacharara mujeri nhasi.

ZLHR yanyora padandemutande rayo reTwitter kuti vatatu ava vasungwa pedyo nechiumbwa chamushakabvu Joshua Nkomo vakanzi vatyora weCrimina; Code vachinzi vainge vachida kuratidzira zvisiri pamutemo. Vange vakatakura chinyorwa chakanzu, “The power of the memory & seeking justice & healing enf Genocide off Gukurahundi”

Mapurisa ange afumobata jongwe muromo achirambidza vanhu kuungana pedyo nechiumbwa ichi. VaMbuso Fuzwayo, munyori mukuru wesangano reIbhetshu Likazulu vatenda kuti vanhu vatatu vasungwa pachirongwa chavo chanhasi ichi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo nharembozha yavo yange isingabatike.

Asi mumwe mukuru wemapurisa ange achitungamira chiwakata chemapurisa chamisa chiitiko ichi uyo angozvidoma nezita rekuti Inspector Dube ati ange asingadi kuti vanhu vaungane nekuti hurongwa hwange huchida kuitwa uhu hwange husina kubvumidzwa nemapurisa.

Studio 7 yaona gwaro rinoratidza kuti veIbhetshu Likazulu vakanyorera mapurisa sezvinodiwa pamutemo asi vakarambidzwa kuti vasaite gungano iri.

Vanhuwo zvavo nevamwe vange vachida kutorwa mifananidzo pachiumbwa chamushakabvu Nkomo pamwe nevatori venhau vange vachiita basa ravo vanosanganisira veStudio 7, vaudzwa nemapurisa aya kuti vabve panzvimbo iyi zvisinei kuti vange vaine magwaro avo ekuita basa, zvinove zvashorwa nemumwe mutori wenhau Lulu Brenda Harris uyo anoshandira bepanhau repadandemutande reCITE.

Mutungamiri wesangano reZINASU VaBenoni Ncube avo vati vange vauya kuzopa rutsigiro rwavo pachiitiko ichi vaudza Studio 7 kuti zvaitwa nemapurisa zvinoratidza kuti hurumende haizi kuzadzikisa zvainoreva panyaya yeGukurahundi.

Munyori webato reZAPU mudunhu reBulawayo avo vakarwawo hondo yerusununguko vari pasi pemauto eZIPRA VaVivian Siziba vatiwo zvaitwa nemapurisa zvinoratidza kuti hapana kubatana kwechokwadi munyika.

Asi vachitaura munguva pfupi yapfuura mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati ivo nehurumende yavo vaive vazvipira kugadzirisa nyaya yeGukurahundi.

Nyaya yekurambidza vanhu murunyararo iri kushorwa neAfrican Commission On Human and People’s Rights negungano reUnited Nations. Masangano aya anoti kuratidzira murunyararo ikodzero iri mubumbiro remutemo wenyika uye Zimbabwe yakanyorerana nenyika dzepasi rino zvibvumirano zvekuremekedza kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG