Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 22. 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira kuti munyika muve nerunyararo pazuva ranhasi rekucherechedza makore makumi matatu nemashanu panyoreranwa chibvumirano chekubatana kana kuti Unity Accord pakati peZanu nePF Zapu.

Mapurisa emuBulawayo nhasi amisa kurangarirwa kwevanhu vakafa munguva yeGukurahundi kwange kwarongwa nerimwe sangano senzira yekucherechedza zuva reUnity Day akasunga vamwe vanhu.

Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy votenda America nerubatsifro muhondo neRussia iyo iri kuyambira kuti zvichatopa kuti hondo ienderere mberi.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable, tiri kutaura nyaya yeZuva rekubatana kana kuti Unity Day tichizeya kuti munyika mune runyararo here rungapa kuti madzimai ashande akasungunuka pasina kumbunyikidzwa munyayadzezvematongerwo enyika kunyanya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG