Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu 21, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende, VaJob Sikhala, vanosvitsa chikumbiro chegumi nechimwe chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo zvichitevera kusungwa kwavakaita muna Chikumi vachipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga kuNyatsime mushure mekupambwa nekuzopondwa kaMuzvare Moreblessing Ali.

Hurumende inonzi yave kubvumidza vemakombi kuti vatangezve kutakura vanhu,

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzoparura chirongwa chekuongorora pachena vanoshandisa zvinodhaka senzira yekupedza dambudziko ratekeshera munyika iri.

Vanhu voyambirwa kuti vangwarire chirwere cheCovid-19 munguva yeZororo reKisimusi negoredzva.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kuedza kudzokera kumusha kuzororo reKisimusi negoredzva zviri pamwechete nehama neshamwari, zvinoti zviri kusangana nedambudziko rekudhura kwemari dzekubhadhara kumabhazi, izvo zvinonzi nevamwe zvavatadzisa kufamba.

Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy vari kutarisirwa kushanyira America nhasi vachiita musangano nemutungamiri wenyika iyi VaJoe Biden.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Diaspora Forum nhasi, tiri kutarisa nyaya yekukwira kwemitengo yemabhazi apo vanhu vave kugadzira zororo rekisimusi negoredzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG