Accessibility links

Breaking News

Argentina Yomirira Morocco Kana France


APTOPIX WCup Netherlands Argentina Soccer

Mutambi ane mukurumbira pasi rose, Lionel Messi nezuro akatungamira nyika yake yeArgentina kurova Croatia 3-0 mumasemifainari emutambo weWorld Cup kuQatar.

Argentina yamirira kuona kuti ichatama nenyika ipi pakati peMorocco neFrance idzo dziri kutamba nhasi, Chitatu.

Messi akanwisa chibodzwa chekutanga mushure mekunge nyika yake yapihwa penalty kwapera maminetsi makumi matatu nemapfumbamwe-39" mins.

Zvimwe zvibodzwa zviviri zvakanwiswa naJulian Alvarez mushure memaminetsi makumi matatu nemana-34" mins uye muchikamu chechipiri kwapera maminetsi makumi matanhatu nemapfumbamwe-69' mins.

Nyika inenge yakuandwa ichatamba neCroatia pakuona kuti ndechipi chikwata chinotora chinzvimbo chechitatu mumakundano aya. Mutambo uyu uriko musi weMugovera nengubva dza5 manheru.

Mutambo wekupedzisir weWorld cup uri kutambwa nemusi weSvondo nenguva dza5 manheru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG