Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 13, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vashora zvikuru zvirango zvakatemerwa mwanakoma wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa Junior uye vamwe vanoshanda neshoroma yakatemerwa zvirango kare VaKudakwashe Tagwirei vachiti zvinokanganis hupfumi. Asi America inoti zvakanangana nevanoita huwori nekutonga nedemo.

Musangano mukuru pakati peAmerica nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica watanga muWashington DC nhasi mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vachiti nyika yavo yaisa parutivi mari inosvika mabhiriyoni makumi mashanu nemashanu-US$55 billion mumabasa ekudyidzana neAfrica munyaya dzezvehupfumi.

Mushashakabvu, Reverend Ndabaningi Sithole, vakarangarirwa segamba renyika nezuro manheru pachiitiko chekuparura kudhindwa kwebhuku ravo kechitatu rinonzi African Nationalism.

Nyanzvi muanya dzezvehupfumi dzozeya rwendo rwechimwe chikwata cheIMF chiri munyika umo chinonzi chiri kuita misangano nemapoka akasiyanasiyana kusanganisira vehurumende nemasangano akazvimirira yekuzeya nezve mamiriro ehupfumi kana kuti 2023 Article IV. Misangano iyi iri kubatsira Zimbabwe nenzira dzipi? Nyanzvi idzi dzichatipa mhinduro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG