Accessibility links

Breaking News

Vamwe muZimbabwe Vanoti Morocco Inokwanisa Kusimudza Mukombe weWorld Cup


Quarter Final - Morocco v Portugal
Quarter Final - Morocco v Portugal

Chikwata cheMorocco chasimudza chivimbo kuti mukombe weWorld Cup ungangouya kuAfrica kekutanga munhoroondo yemakundano aya. Morocco yasimudza chivimbo chakasimba muvatsigiri venhabvu muZimbabwe nemuAfrica yese mushure mekupinda musemi fainari ye2022 World Cup nekurova Portugal 1-0 mumutambo wekota fainari.

Mukuita izvi maAtlas Lions aita chikwata chekutanga muAfrica kusvika musemi fainari yeWorld Cup kubvira makundano aya aparurwa muna 1930. Dzimwe nyika dzakaita zviri nani mumakundano aya dzakagumira mumakotafainari uye dzinoti Senegal, Ghana neCameroon.

Mutsigiri wemutambo wenhabvu VaSaymore Mandara vanoti Morocco ichashamisa vakawanda nekuunza mukombe weWorld Cup kuAfrica.

Muna 1986, Morocco ndiyo zvekare yakaita chikwata chekutanga muAfrica kusvika muRound of 16 yemakundano aya.

Morocco nemusi weChitatu iri kusangana neFrance iyo yakarova England 2-1 mukota fainari nezuro manheru.

Chivimbo muchikwata ichi chasimuka mushure mekunge Morocco yakapunzira pasi zvikwata zvine mukurumbira zvinoti Belgium, Spain nePortugal.

Mumwe mutsigiri wenhabvu VaVincent Bushu vanoti kuti Morocco ichasvika mufainari yeWorld Cup iyi.

Pamusoro pezvo, Morocco haisati yakundwa pamitambo misere yakateverana uyezve yanwiswa chibodzwa chimwechete chete pamitambo iyi.

Morocco ir ikurairidzwa nemurairidzi we munyika iyi Walid Regragui. Muongorori wemutambo wenhabvu VaGibson Nyikadzaramba vanoti Africa yese iri kuda kuti Morocco iite zvakanaka,

Ruzhinji rwuri kuda kuti Morocco idarike pairi apa nekuti yatoita kare zvanga zvisingatarisirwe. Asi mutambo neFrance wakaoma sezvo nyika iyi iri kuda kuva nyika yekutanga kusimudza mukombe weWorld Cup mumakwikwi akatevedzana zvakapedzisira kuitwa neBrazil muna 1962. Uye nevatambi vakaita saOlivier Giroud naKylian Mbappe, mutambo uyu wakaoma zvikuru kuMorocco iyo yawisa hayo mikono yakawanda kuQatar.

Giroud na Mbappe
Giroud na Mbappe

Imwe semi fainari pakati peArgentina neCroatia iriko musi weChipiri. Croatia iyo yaimbenge iri pasi peYugoslavia yakatanga kuzvitonga muna 1992 ikatanga kukwikwidza muWorld Cup yakazvimirira muna 1998. Kubva mumakore aya yasvika mumasemi fainari katatu. Mutambi wayo ane mukurumbira ndiLuca Modric weReal Madrid.

Lionel Messi
Lionel Messi

Argentina yakasimudza mukombe uyukaviri, muna 1978 uye 1986 ichitungamirirwa namushakabvu Diego Maradona.

Iko zvino chitsvambe chiri kuna Lionel Messi uyu ari kufunguiudzirwa kuti ave kutamba makwikwi ake ekupedzisira muWorld Cup sezvo ave nemakore makumi matatu nemashanu. Fainari ye2022 World Cup iriko musi wesvondo, svondo rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG