Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzanhasi Chishanu, Zvita 09, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekurwisana nehuwori pasi rose, reInternational Anti-Corruption Day, paine kurudziro yekuti hurumende igadzirise nekukasika dambudziko rehuwori munyika iro rinonzi rabata mapazi ose.

Mumiriri weMbare muNational Assembly, VaStarman Chamisa pamwe nevagari vemuMbare vokurudzira hurumende kuti ivhure musika weMupedzanhamo sezvo kuvharwa kwawo kwapinza nzara mumhuri zhinji munyika.

Kushandiswa zvakanyanya kwezvinodhaka nevanhu kunonzi nemukuru anoona nezvehutano mudunhu reHarare kwawedzera zvakanyanyisa dambudziko rechirwere chepfungwa.

Nyaya dzekurwira hushe, husadunhu pamwe nehusabhuku dzinonzi dziri kuwanda mudunhu reMashonaland West pamwe nenyika yose, dzimwe mhuri dzichiti zviri kukonzerwa nevashandi vehurumende mubazi rezvekutongwa kwematunhu, vavanoti vari kutora mativi pamakakatanwa ehushe.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, tine hurukuro nemuimbi wemusambo weContemporary Jazz, Sarungano, anove mumwe wevaimbi vechidiki vakadzidziswa kuimba pamuzinda wePAKARE PAYA, wakasiya wavakwa namushakabvu Oliver Mutukudzi kuNorton.

Tichakupai zviri kubuda kumakwikwi eFifa world cup 2022 ari kutambirwa kuqatar uko makundano aya apinda mumakotafainari kutanga nhasi.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8 pm nhasi, tiri kuendera mberi tichitarisa mitambo yenhabvu yeFIFA World Cup Quarter Finals iri kutambirwa kuQatar.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG