Accessibility links

Breaking News

Africa Yose Yotarisira kuMorocco


Murairidzi weMorocco VaWalid Regragui

Hupenyu hweAfrica mumakundano e2022 World Cup hwasarira mumaoko eMorocco zvichitevera kubuda mumakundano aya kweSenegal, Tunisiia, Cameroon neGhana.

Morocco irikutamba zvinodakadza uyezve yakasimudza chivimbo mairi mushure mekurova Belgium neCroatia mukusvika muRound of 16 umu.

Asi Spain iyo yakatora mukombe uyu muna 2010 yakasiyana zvikuru neBelgium iyo isina nhoroondo yakasimba mumakundano aya kana Croatia iyo inongozivikanwa nekupinda kwayakaita mufainari muna 2018 uyezve nemutambi Luca Modric.

Asi zvakamira zvakadai, mutsigiri wenhabvu VaChris Gwaze vanoti Morocco yakasimba zvekukwanisa kubudirira mumutambo neSpain uyu.

Chimwe chiwata chermuAfrica chakasvika muchikamu chenyika gumi nenhatu cheSenegal chakabuda mumakwikwi aya mushure mekurohwa 3-0 neEngland nezuro. Aimbobatira ZPC Kariba muPSL, Shepard Saizi anoti haasi kushamiswa nekubuda kweSenegal mumakundano aya.

Mumwe mutsigiri wenhabvu VaLameck Jekapu vanoti vakarwadziwa nekubuda kweSenegal pamwechete neCameroon, Ghana, neTunisia, asi vane chivimbo kuti Morocco ichaita mashiripiti.

Morocco irikutarisira kusvika mukota fainari kekutanga uyezve kuita chikwata chekutanga muAfrica kusvika muma semi fainari emakundano aya.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu VaJustice Muzanenhamo vanoti Africa haifanire kuve nechivimbo chakanyanya mumakundano eWorld Cup aya.

Morocco iri kutarisira zvakanyanya kubva kunaAchrag Hakimi uyo akaberekerwa kuSpain anotambira PSG naHakim Ziyech. Spain ine vatambi vane mukurmbira vakaita saPedri, Gavi, Torres nevamwe.

Asi chikwata chiri kutarisirwa kutora mukombe uyu Brazil iri kupinda munhandare manheru ano na 9pm neSouth Korea.

Veruzhinji vanotevera mutambo uyu vanoti South Korea haimire paBrazil iyo ine vatambi vane mukurumbira vakawandisa vakaita seNeymarVinicius Jnr, Casemiro, Richarlison. South Korea iri kutarisira kubva kuna Son Heung-min.

Brazil ikakunda inopinda mumakota fainari emakundano aya. Parizvino, Argentina, England, France, neNetherlands, dzatove mukota fainari kare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG