Accessibility links

Breaking News

ANC Yoramba Kuti VaRamaphosa Vaferefetwe paNyaya yeHuwori Yavari Kupomerwa


Mutungamiri wesouth Africa VaCyril Ramaphosa
Mutungamiri wesouth Africa VaCyril Ramaphosa

Bato riri kutonga muSouth Africa reANC rapa kurudziro yekuti nhengo dzebato iri mudare reparamende dzisavhotere kuti mutungamiri wenyika nebato iri VaCyril Ramaphosa vatange kuferefetwa nechinangwa chekuona kuti vomanikidzwa kusiya basa here kana kuti kwete.

Izvi zvinotevera kurudziro yakaitwa nekomiti yevanhu vatatu kusanganisira vaive vatongi yakaumbwa nedare reparamende kuongorora mhosva dzaipomerwa VaRamaphosa dzine chekuita nekutyora bumbiro remitemo.

VaRamaphosa vari kupomerwa mhosva yekuchengeta mari inosvika mamiriyomi mana papurazi ravo rePhala Phala rinochengetwa mhuka.

Vanonziwo havana kuzivisa mapurisa payakabiwa. Vanonziwo vakayedza kubhadhara mari yechiokomuhomwe kuti nyaya iyi isaburitswe kuruzhinji.

Mushure memusangano waitwa nhasi, National Executive Council yeANC vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri VaPaul Mashatile vaudza vatori venhau kuti VaRamaphosa vambopinda mumusangano wanhasi pawatanga asi vazobuda nyaya yavo payatanga kuzeyiwa.

VaRamaphosa vange vakwirawo kudare repamusoro soro vachipikisa zvakabuda muongororo iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG