Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita 05, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Kutongwa kwemumiriri weZengeza West mudare paramende VaJob Sikhala pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakavhiringidza mafambisirirwo enyaya dzemumatare mushure mekupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali kuChitungwiza kwatanga muHarare nhasi vachiramba mhosva yavari kupomerwa.

Executive Committee yeANC yosangana nhasi kuti ione kuti yotora danho ripi panyaya yehuwori iri kupomerwa mutungamiri wenyika nebato iri VaCyril Ramaphosa vamwe vachiti ngavamanikidzwe kusiya basa.

America inoti kudyidzana kwayo neZimbabwe munyaya dzezvehutano kwabatsira vanhu vakawanda munyika.

Zimbabwe Christian Alliance nesangano Republic Policy and Research Institute of Zimbabwe vari kuita musangano wemazuva maviri wakanangana nenyaya yeGukurahundi uye kune vakuru eesangano reNational Peace and Reconciliation Commission.

Vatsigiri venhanbvu vakawanda muAfrica votarisira Morocco inova nyika chete yemuAfrica yasara kumakwikwi eWorld Cup kuti isimudze mureza wedunhu rose paichatamba neSpain mangwana.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8 pm nhasi, tiri kuita hurukuro nezvenyaya yemitambo yenhabvu yeFIFA World Cup iri kutambirwa kuQatar.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG