Accessibility links

Breaking News

Shumba yeSenegal Ingarume Nhatu dzeEngland Here kuWorld Cup?


Chikwata cheSenegal chatarisana nekukunda kana kunyura apo chiri kusangana nemaThree Lions eEngland manheru ano. Chikwata ichi chirikupinda munhandare na9pm manheru mumutambo weRound of 16 chichiziva kuti Africa yese yakamirira kupemberera kurova England.

Kukunda mumutambo uyu kunopinza Senegal mumakota fainari emakundano aya uyezve pedyo nekuita chikwata chekutanga muAfrica kusvika muma semi fainari eWorld Cup.

Munyori wezvemutambo wenhabvu anogara kuEngland Admire Muhimeke anoti munyika iyi mune manyuku-nyuku anotyisa nezvemutambo uyu.

Mutsigiri wenhabvu muZimbabwe VaWisdom Ncube vanotiwo varikuona Senegal ichirohwa nekuti hapana kunyatsowirirana mumatambiro munhandare pavatambi vekumasure nevepakati.

Asi veruzhinji muZimbabwe kusanganisira muongorori wemutambo wenhabvu VaProsper Magoka vanoti Senegal icharatidza kuti ndiyo Shumba chaiyo.

Mukuru weZimbabwe Friends Club VaTendai Barnes Zhakata vanoti cheSenegal chinokwanisa kubudirira

Chimwe chikwata chemuAfrica, Morocco irikupinda munhandare neChipiri kusangana neSpain.

Cameroon, Ghana, neTunisia dzakabuditswa munharaunda yekutanga mumakwikwi aya.

Mitambo yeRound of 16 kuWorld Cup uku iri kupera neChipiri svondo rinouya.

Parizvino France, Argentina neNetherlands ndidzo dzatove mukota fainari. KuEngland vatambi vari kutarisirwa vanosanganisira Harry Kane, Bukayo Saka, Marcus Rashford nevamwe. KuSenegal mutambi wavo mukuru Sadio Mane akakuvara aso kune vamwe vakaita sa Kalidou Koulibaly, Edouard Mendy, Boulaye Dia nevamwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG