Accessibility links

Breaking News

Mutambi weFC Platinum, Walter Musona, Anosimudza Mukomwe weSoccer Star of The Year 2022


Walter Musona weFC Platinum ndiye mutambi akatamba zvinonwisa mvura mwaka uno.
Walter Musona weFC Platinum ndiye mutambi akatamba zvinonwisa mvura mwaka uno.

Mutambi wechikwata cheFC Platinum, Walter Musona, ari kunyemwerera akananga kubhanga mushure mekutora mukombe we2022 Castle Lager Soccer Star of the Year pamabiko akaitwa muHarare neChishanu manheru.

Musona akatambidzwa mari inoita iyo zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica, kana kuti US$5000.00, mushure mekutora mukombe une chiremera chikuru munhabvu yemunyika weCastle Soccer Star of the Year wemwaka uno.

Mari iyi imari yakawandisa zvikuru munyika muno pachitariswa mamiriro ehupfumi hwenyika.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaTinashe Museti vanoti Musona anokodzera nekutora mukombe weligi kwaakaita nechikwata chake.

William Manhondo we Caps United akatendwa nemari inoita iyo zviuru zvitatu zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$3000.00 mushure mekupedza ari pachinhanho chechipiri.

VaMuseti vanoti ndipo paanofanira kuve ari nekuti hapana chaakabuda nacho chinobatika neCaps United kunze kwekurwira nzvimbo yavo mugungano iri.

Frank Makarati weDynamos ndiye akatora chinhanho chechitatu ndokutambidzwa mari inoita iyo zviuru zviviri nemazana mashanu zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$2500.00.

Chiri kushamisa ndechekuti mutambi weHerentals, Tino Benza, ndiye akavhoterwa nechaunga kunzi ndiye mutambi akatamba zvinonwisa mvura mwaka uno.

Asi pakasarudzwa ma Soccer Star, veruzhinji vaitonyunyuta kuti Benza aive asingakodzere pamberi paBlessing Majarira uyo vanotamba vese kuchikwata chimwechetecho.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG