Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 02, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Nhengo yebato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaNorest Marara, vanokwira kudare vachipikisa kudomwa kwaVaMwonzora semunhu achamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika vasina kupikiswa vachiti kutyora bumbiro remitemo yebato.

Asi mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vanoti havavhunduki zvaitwa naVaMarara nekuti ishungu dzemunhu akakundwa musarudzo naVaMwonzora.

Sangano reProject 263 rinoenda kudare reHigh Court kuti dare iri rimanikidze Zimbabwer Electoral Commission, ZEC, kuripa gwaro revavhoti repadandemutande, kana kuti electronic voters’ roll.

Vagari vemuHarare vochema chema nekushomeka kwemotokari dzekanzuru dzinotakura varwere, maamburenzi, idzo dzinova idzo dzine muripo urinani.

Tsvakukurudzo ichangobva mukuitwa nesangano rePlatform for Youth and Community (PYCD) Development pamwe neInstitute for Poverty, Land and Agrarian Studies (PLAAS) yepaWestern Cape University kuSouth Africa, inoratidza kuti kutorera vanhu vekumaruzevha misha neminda yavo kuti pavakwe madhorobha kana kuita mabasa ebudiriro akaita sekutanga mighodhi hazviunzi budiriro asi kuti zvinotowedzera hurombo nekusiya vanhu vasina pekugara uye izvi zvinonyanyobata vanhukadzi nevana.

Tichakupai zviri kubuda kumakwikwi eWorld Cup kuQatar, uko zvikwata zviviri zvemuAfrica zvinoti Cameroon neGhana zviri kutamba manheru ano.

Mhuri yeZimbabwe inotevera nhabvu yemuno munyika yakaungana manheru ano pane imwe nzvimbo yekutandarira iri muHarare kupemberera vatambi venhabvu vakashura mare mwaka uno

Muchirongwa chedu chemimhanzi chesvondo rino, tichakupai hurukuro nemuimbi wenziyo dzechitendero, Janet Mhlanga, uyo anozivikanwa neremagitare rekuti Black Box, vamwe vachimutiwo Gogo muSalad.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00pm nhasi tiri kuenderera mberi tichitarisa zviri kuitika kumakwikwi enhabvu yeasi rose, eWorld Cup kuQatar.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG