Accessibility links

Breaking News

Kutambirwa neDare reMakurukota kweBhiri Riri Kuda Kuti Vanokokera Zvirango kuNyika Vasungwe Kwounza Mutauro


Hurumende yaVaEmmerson Mnangangwa inonzi nevanopikisa iri kuda kudzika mutemo unombunyikidza kodzero dzevanhu.
Hurumende yaVaEmmerson Mnangangwa inonzi nevanopikisa iri kuda kudzika mutemo unombunyikidza kodzero dzevanhu.

Vamwe vezvematongerwo enyika vari kupesana maonero pamusoro pedanho redare rakatorwa nedare remakurukota neChipiri chesvondo rapera rekupasisa kuvandudzwa kwebhiri remitemo reCriminal Law (Codification and Reform).

Bhiri iri rine mitemo inoda kuvandudzwa inosanganisira wekuti inenge yave mhosva kuzvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichitaura zvakashata pamusoro penyika yazvo, kana kuti Patriotic Bill, uye wekuti vanenge vawanikwa vaine mhosva yekubata chibharo nekuponda vapiwe mitongo yakaomarara.

Kupasiswa kwebhiri iri nemakurukota konoreva kuti rave kuenda kunozeyiwa kudare reparamende, kutambirwa kwaro ikoko rozonoiswa runyoro nemutungamiri wenyika kuti rizove mutemo.

Asi vamwe vari kupikisana nebhiri iri vanosanganisira vamwe vemapato anopikisa vanoti rakanangana nekuomesera zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nekuzvitorera kodzero yazvo yekutaura zvakasununguka.

Sachigaro vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change mudunhu re North America, VaTawanda Dzvokora, vanoti zviri pachena kuti hurumende iri kuda kushandisa bhiri kumbunyikidza vemapato anopikisa zvinozoita kuti inge ichivasunga pamadiro.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF kuBritain, Doctor Simba mavaza, vanoti bhiri iri harineyi nekutyora kodzero dzevanhu asi kuti rakanangana nezvizvarwa zveZimbabwe zvakavenga nyika yazvo zvinokurudzira kuti itemerwe zvirango kana kuita zvimwe zvinogona kukanganisa kugadzikana kana chimiro chenyika.

Doctor Mavaza vanoti nyika dzakaita seBritain neAmerica dzinotoshandisa mutemo wakafanana neuri mubhiri iri asi hapana vari kuchema nezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Zvirango zvinozopiwa vanenge vawanikwa vaine mhosva zvinosanganisira kutongera rufu, kugara mujeri kwemakore asingadariki mashanu kana kubhadhariswa mari yefaindi kana zvese, kurambidzwa kuvhota musarudzo, kana kurambidzwa kubata chigaro kwemakore anosvika kugumi nemashanu.

POLITICAL PANEL-PATRIOTIC BILL-SHO-JONGA 01 DEC 2022.wav
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG