Accessibility links

Breaking News

VaCyril Ramaphosa Vokurudzirwa Kusiya Basa neNyaya yeHuwori


VaCryril Ramaphosa
VaCryril Ramaphosa

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vatarisana nekubviswa pachigaro nedare reparamende kana kuti impeachment nenyaya yavari kupomerwa yekupamba uye kupa vharamuromo vanhu vakaba mari papurazi ravo rinochengetwa mhuka rePhala Phala muna 2020.

Mari yaive yakavigwa musofa inonzi nevamwe yaisvka mamiriyoni mana emadhora kana kuti US$4 million. Mari iyi inonzi yakabva mukutengesa nyati.

VaRamaphosa vari kutiwo mari yakabiwa ishoma pane iri kutaurwa. Pane gwaro rakaburitswa nezuro nechikwata chakaumbwa nedare reparamende kuongorora nyaya iyi rinoratidza kuti VaRamaphosa vanogona kunge vakapara mhosva nekudaro dare reparamende rave kutarisirwa kuvhota kuti vomanikidzwa kusiya basa here kana kuti kwete svondo rinouya.

National Executive Council yebato reANC yange ichifanira kusangana nhasi manheru padandemutande asi yanzi ichasangana mangwana mangwanani kuti ione kuti yotora danho ripi. Paramende yange ichifanira kusangana nhasi yambomiswawo. Vamwe muANC nevanopikisa vari kuti VaRamaphosa ngavasiye basa.

Bato reDemocratic Alliance rinoti VaRamaphosa vanofanira kusiya basa poitwa sarudzo dzechimbi chimbi kwete muna 2024 sezviri mubumbiro remitmo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaMunjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti havaoni havaone ANC ichimanikidza VaRamaphosa kusiya basa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG