Accessibility links

Breaking News

Muimbi Ane Mukurumbira, Lewis Ngara, Uyo Ari kuBritain, Ozvipira Kushandisa Pfuma neNguva Yake Kusimudzira Vaimbi Vechidiki


Muimbi ane mukurumbira Lewis Ngara
Muimbi ane mukurumbira Lewis Ngara

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, svondo rino tine hurukuro nemuimbi ane mukurumbira, Lewis Ngara, uyo ari kuBritain.

Kunze kwekuita zvemimhanzi, Ngara mushandi muboka rezvehutano uye ari mudzidzisi akadzidzira basa rake.

Muimbi uyu ane nziyo dzakawanda dzechitendero nedzerudo dzaatsikisa kusvika pari zvino, uye anoti ari kubatsira zvakanyanya vaimbi vachiri kusimukira kuitira kuti vabudirirewo mukuona shuviro dzavo dzichiita michero.

Anoti ari kuvabatsira nemari dzekutsikisa mimhanzi yavo pamwe nekuumba mavhidhiyo.

Ngara, uyo anoimbawo nemudzimai wake Tau pamwe nemuramu wake Rhoda Muza, atsikisawo nziyo dzakawanda achishanda nevamwe vaimbi vane mukurumbira vanosanganisira Doctor Tawanda, Obert Chari naMathias Mhere.

Anoti abatsira vaimbi vanodarika makumi maviri vachiri kusimukira nyika yose. Pamusoro pazvo, muimbi uyu ari anoti ari kubatsirawo zvakare vakaremara kuburikidza nekuvawanisa mari dzekutanga zvirongwa zvekuzviriritira zvakasiyanasiyana.

Hurukuro nemuimbi Lewis Ngara
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG