Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Voronga Kukwikwidza Musarudzo dzeMutungamiri weNyika muna 2023


VaSaviour Kasukuwere

Vaimbova gurukota muhurumende vasati vaenda muhupoteri muSouth Africa VaSaviour Kasukuwere vanonzi vari kuronga kukwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika gore rinouya. Izvi zvapa kuti patange kukandiranwa makobvu nematete pakati pavo neZanu-PF.

Patabata VaKasukuwere, vati vange vasina kusungunuka kutaura sezvo vange vari parufu.

VaKasukuwere vakabudawo pane imwe vhidhiyo vachiti vakagadzirira kutungamira uye havasi kuzoita zvakaitwa nemamwe makurukota ari muhupoteri anoti VaJonathan Moyo naVaPatrick Zhuwao.

Vaviri ava vakakumbira ruregerero kuvatsigiri rebato ravo nekumbotsigira vanopikisa mushure mekuenda muhupoteri. Bato reZanu-PF rakabva rati vakasungunuka kudzoka kubato.

Mutauriri wechikwata cheTysonWabantu Movement chiri kutsigira VaKasukuwere, VaNtokozi Msipha vaudza Studio 7 kuti VaKasukuwere vari kudzokera kuZimbabwe uye vachakiwkwidza musarudzo dzegore rinouya dzemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabata mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi avo vati Zanu-PF haishaiswe hope naVaKasukuwere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG