Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanoti Mejasitiriti Miti Vasatonge Nyaya Yavo Nekuti Havasi Mutongi Gava


MP Job Sikhala
MP Job Sikhala

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala, vakumbira nhasi kuti mutongi wenyaya yavari kupomerwa nemumiriri weChitungwiza North yekupesvedzera mhirizhonga asave nechekuyita nenyaya iyi.

VaSikhala vari kupomerwa mhosvba iyi pamwe nemumiriri weChitungwiza North mudare reparamende VaGodfrey Sithole.

Magweta aSikhala asvitsa chikumbiro ichi kudare nhasi achiti haana kufara nemashoko amejastiriti Muzvare Tafadzwa Miti pavainyima VaSikhala mukana wekubvisa mari yechibatiso pane imwe mhosva yavaipomerwa nezuro.

Kunyangwe VaSikhala vasungwa kanaodarika makumi matanhatu nemana havana kumbobvira vabatwa nemhosva asi mejastiriti Miti mukupa mutongo wavo vakati VaSikhala inhinhi inoramba ichityora mutemo.

Izvi zvakakatyamadza vanhu vainge vari mudare nezuro pamwe nemagweta aVaSikhala.

Rimwe gweta raVaSikhala, VaJeremiah Bamu vaudza Studio 7 kuti nekuda kwemashoko aya, vaona zvakakodzera kuti mutongi uyu asanzwe nyaya iri kupomerwa VaSikhala naVaSithole.

VaBamu vatiwo vachasvitsa chikumbiro chizere kudare chiri muhunyorwa vachipa zvikonzero zvizere panhuna dzaVaSikhala. Gweta rehurumende panyaya iyi, VaGeorge Manokore, vati ikodzero yemusungwa kuti nyaya yake itongwe zvake vakati vachazopawo dare mhinduro yavo iri muhunyorwa kana vawana zvinyorwa zvemagweta aVaSikhala.

Gweta raVaSithole, VaOliver Marwa, vati havana dambudziko nechikumbiro chaVaSikhala vakati vachatevedzera zvese zvinenge zvaturwa nedare pachikumbiro chaVaSikhala.

Mutongi wedare ati achatura mutongo wake musi wa Zvita 7 wekuti ogeza maoko ake panyaya iyi here kana kuti kwete mushure mekunge averenga zvinyorwa zvemagweta aVaSikhala pamwe nevachuchisi.

VaBamu vati kana Muzvare Miti vakaramba kugeza maoko avo panyaya iyi vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

VaSikhala vari kutarisirwawo kudzoka kudare mangwana pavakatarisira kupihwa mutongo pachikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo pane imwe mhosva yavari kupomerwa vari vega yekunzi vakavhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa nhengo yebato ravo reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali.

Asi VaSikhala vari kuramba mhosva iyi vachiti vakazopomerwa mhosva iyi ivo vatosungwa kare uye hapana chavakwanisa kukanganisa mukusungwa kweinofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakazosungwa vakabvuma mudare kuti ndivo vakapamba pamwe nekuponda Muzvare Ali.

VaSikhala vave nemazuva zana nemakumi matanhatu vari muhusungwa zvichitevera kusungwa kwavakaitwa muna Chikumi mushure mekupambwa nekupondwa kwaMuzvare Ali nhengo yebato ravo reTripple C. Mhuri yemufi haisi kuzoviga mutumbi waMuzvare Ali kudzamara VaSikhala, avo vanove gweta remhuri iyi, vaburitswa muhusungwa.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, imwe nhengo yeCCC inozivikanwa zvikuru nezita rekuti Madzibaba Veshanduko, VaGodfrey Karembera, avo vari kupomerwa mhosva yekuita musarinya nekuda kukonzera kusagadzikana munyika vachinzi vaifamba muHarare vachikurudzira vanhu kuti vavhotere VaNelson Chamisa veTripple C vanzi vagodzoka kudare muna Ndira gore rinouya.

Dare rabvisawo zvaranga rasunga kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso zvekuti vazvipire kumapurisa ekuGuruve kaviri pasvondo rega-rega kudzamara nyaya yavari kupomerwa yapera kunzwikwa mumatare.

VaKarembera vati vafara zvikuru nekurerutsirwa kwavaitirwa nedare. CCC inoti nhengo dzayo idzi dziri kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika pasina mhosva yadzakapara.

Asi bato reZanu PF rinoti harinei nemafambisirwo enyaya mumatare ukuwo hurumende ichiti munhu wese anomira nemhosva dzake mumatare zvisinei nekuti abuda mumba maani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG