Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votadza Kuona World Cup neKudzimwa kweMagetsi


Kylian Mbappe
Kylian Mbappe

Vanhu vakawanda muZimbabwe vari kutadza kuona makundano avanofanira efifa World Cup nenya yekudzimwa kwemagetsi neZESA

Saudi Arabia nhasi yashamisa pasi rose nekurova Argentina 2-1 pamutambo weWorld Cup kuQatar muGroup C. Vakawanda vange vachitarisira kuti Argentina ichasimudza mukombe uyu. Asi muZimbabwe vamwe havana kuona mutambo uyu sezvo kwange kusina magetsi.

Messi
Messi

Nzvimbo zakawanda munyika dzatarisana nedambudziko guru remagetsi ari kuenda mangwanani odzoka pakati pehusiku panguva iyo mitambo ye2022 World Cup inenge yapera. Vanoitawo zvekubheja vatarisana nedambudziko guru sezvo nzvimbo dzavanotambira dziri kuswera dzakavharwa nekushaya magetsi.

Muzvinabhizimisi VaInnocent Mutenha avo vane mabhawa muWarren Park nekuKuwadzana vanoti magetsi avakanganisira basa panguva ino yeWorld Cup.

Nemhaka yekushaikwa kwemagetsi uku, vakawanda nezuro vakatadza kuona mutambo weWorld Cup wavaishuwira pakati peSenegal neNetherlands uyo Senegal yakarohwa 2-0.

Mutambo weSenegal unotevera uriko neChishanu apo iri kusangana neQatar.MMuongorori wemutambo wenhabvu VaTinashe Museti vanoti Qatar inofanira kukunda kana kuti huhwandu hwevanhu vemuQatar mudzinhandare kumakundano aya hunodzikira.

Tnusia neDenmark
Tnusia neDenmark

Zvimwe zvikwata zviri mugungano rine Qatar neSenegal iEcuador pamwe neNetherlands.

Brazil iyo veruzhinji varikutarisira kuti ichatora mukombe uyu iri kupinda munhandare neChina apo iri kusangana neSerbia.

Vakawanda kusanganisira mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association VaJoseph Mutawu vanoti mukombe uri kuenda nemaSamba Boys aya.

Asi vaongorori vemutambo uyu vanoti hapana chikwata chiri pamberi vachiti chimwe cheArgentina, Belgium, France, Germany neNetherlands chinokwanisa kutorawo mukombe uyu.

Munyori wezvemutambo wenhabvu anogara kuEngland Admire Muhimeke anoti Argentina kana Germany ndidzo dzinogona kutora mukombe uyu.

Panyaya yemagetsi, mutauriri weZesa VaGeorge Manyaya vanoti Zesa haikwanise kubuditsa hurongwa hwenguva dzinodzimwa magetsi nekuti dzimwe nguva kudzima uku kunosangana nekufa kwezvinotakurisa moto wacho. Vanoti veruzhinji vanofanira kujairira kudzimwa kwemagetsi kwenguva refu kuri kuitika uku.

Izvi zvinoreva kuti vakawanda munyika vachatadza kuona mitambo yakawanda. Makundano eWorld Cup aya ayo akatanga nezuro achapera musi wa 18 Zvita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG